Mukadzi wekutizwa akadya marasha mudare

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Mukadzi wekutizwa akadya marasha mudare

Kwayedza

MUKADZI wekutizwa nemurume achinotanga imwe mhuri akadya marasha mudare zvisinei nekuchema-chema kwaitwa nemurume wake.
Constance Makangaire akaendesa Anyway Gumbo kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi yekuriritira vana vaviri.

Akati: “Baba ava vakangotiza pamba vanakirwa nemumwe mukadzi wavaipengesana naye vachindisiira vana mapatya. Haana kana chii zvacho chaakatumira kana kundipa chekuti vana vagare upenyu hwakanaka kubva paakafuratidzwa moyo neshamwarikadzi yake.

“Ndakaona zviri nani kuti ndiuye kudare kuti rindibatsire andipe mari yekuriritira vana. Ndinoda $100 yekuchengeta vana ivava.

“Kubva paakangondisiya akabva atanga kundiudza kuti haachasevenzi senzira yekuda kuona pekunzvenga napo kuchengeta vana vake. Inini ndiri kurarama nekutsvaira mumba memunhu, handina mari yakawanda yandinowana.”

Akati vana vanodawo chikafu chakakwana nezvekupfeka nepekugara pakanaka kwete kuti vararame sekunge vasina baba.

“Kuchipatara ndanzwa nekubvunzwa zvikwereti nekuti ndiri kurapisa vana pasina mari yacho. Zvese izvozvo ndikamuudza anenge achingoti handina kana mari,” akadaro. Gumbo akati mari yaidiwa nemukadzi wake yakawandisa sezvo asisashande.

“Ishe wangu, shungu ndedzekuti vana vangu vagare zvakanaka. Asi hapanawo zvandingaita sezvo basa racho risiri kuwanikwa rekuti ndiuyewo necheuviri pakupera kwemwedzi.

“Ndinokwanisa kuwana $15 pamwana wega-wega kuti iite $30 nekuti ndinenge ndava kutoita yekutsvaga kumadzisahwira nehama kuti zvitoita. Izvozvi ndine mumwe mukadzi ane mwana mumwe chete anoda kuriritirwa nekutiwo tigare zvakanaka sezviri kudiwa neandiunza kudare uyu.

“Dai zvaibvira dare raindinzwisisawo ndobhadhara yandiri kuwana iyoyo, kana ndazowana basa ndozoiwedzera nekuti pari zvino zvinhu zvakandisunga,” akadaro Gumbo.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Share This:

Sponsored Links