Uncategorized

Mukadzi wemunhu oti . . .‘Ndakadira chikomba derere’

10 Apr, 2015 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Murume achonera ‘Joni’

MURUME wekwaChireya, kuGokwe, wekuchiva mudzimai wemuridzi ndokuzodanana naye mushure mekumuvhevhetedza nezvirimwa zvinosanganisira derere rechipudzi, akazoigochera pahutsi apo akaripiswa mombe nhatu nedare reko.

Tove Mubikanyama, wemubhuku raMasakadza, akakonwa nemhosva mudare raMambo Chireya nguva pfupi yadarika apo aipomerwa kudanana naSister Mpofu (24), uyo akaroorwa.

Mpofu, uyo akatosiyana nemurume wake nekuda kwenyaya iyi, akabvuma muhurukuro neKwayedza kuti aiita gumbo mumba, gumbo panze, achiti nzara ndiyo yakamutuma kuita izvi.

Mambo Chireya, VaHenry Chireya (46), vakatsinhira nyaya iyi.

Vanoti Mubikanyama akawana mukana wekudanana naMpofu, uyo anova mudzimai waVincent Ringiro, nekuda kwekuti muridzi wemukadzi uyu akanga anoshava kuSouth Africa.

“Vaviri ava, chikomba nemuridzi wemudzimai uyu, vose vanogara kwaSabhuku Masakadza. Muridzi wemudzimai akazoenda kunotsvaga basa kuSouth Africa achisiya mudzimai nemhuri apo chikomba ichi chakasara chichipfimba Mpofu,” vakadaro Mambo Chireya.

“Hama dzaRingiro dzakatanga kunzwa runyerekupe kuti mukadzi wake akanga ava kudanana naMubikanyama, uyo anovawo nemhuri yake. Anonzi aitonorara kumba kwemuridzi pamadiro,” vakadaro mambo ava.

Vanoti vaviri ava vakazobatikidzwa panzvimbo nehama dzemurume izvo zvakaita kuti nyaya iyi imhan’arwe kudare ravo.

Dare iri rakashevedza Ringiro kubva kuSouth Africa kuti avepo paitongwa nyaya yemudzimai wake nechikomba.

“Tichibvunza amai ava kuti vainge vanyengetedzwa nei kuti vazodanana nemurume uyu, vakabvuma kuti vaidanana naye vachiti pekutanga Mubikanyama, semunhu aidarika nepamba pavo mazuva ose, akasvikovapa purasitiki diki raiva nederere rechipudzi ndokubva zvatoita.

“Kechipiri vanoti vakapihwa garoni rechibage chakaoma zvichibva zvaita zvakare. Vanotiwo vakazopihwa zvakare US$10 nehuni pamusoro ndokuzoramba vodanana pamadiro,” vakadaro Mambo Chireya.

Zvakabuda mudare iri kuti Ringiro akanga aenda kuSouth Africa kwemwedzi minomwe uko aishanda pakazoitika izvi. Mpofu anonzi akakabira mhosva iyi pasina kana kundandama.

Mubikanyama anonziwo haana kutorera dare nguva sezvo akabvuma kuti chaiva chokwadi kuti vaviri ava vanodanana.

“Dare rakagutsikana nekudanana kwaSister Mpofu naTove Mubikanyama. Muridzi wemudzimai, Vincent Ringiro, akazobvunzwa nedare kuti aida kuripwa zvakadii nechikomba ichi ndokuti aida mombe nhatu zvinova zvakatambirwa tichibva tamuripisa. Mombe idzi dzakatotinhwa kuenda kumuridzi wemudzimai uyu, dzose dziri nhatu.”

Ringiro anonzi akabva aramba mudzimai wake pamberi pedare ndokumupa mazuva ekuti atute midziyo yake kudzokera kumusha kwake.

Vabereki vaMpofu vanogara mubhuku raKafurambanje. Ange aita vana vatatu naRingiro asi mumwe chete ndokushaika.

Mambo Chireya vanoti vakaripisa Mubikanyama zvakakodzera sezvo nyaya dzekusavimbika dziri kuwanda mudunhu ravo.

“Kana mudzimai asingade kuroorwa ngaarege kupedzera murume anoda zvemusha nguva nekuti kune vamwe vari kutsvaga dzimba vachidzishaya. Ivowo varume vevanhu ngavagutsikane nemadzimai avo voziva kuti mukadzi wemunhu haabatwe,” vakadaro mambo ava.

Ringiro haana kuonekwa neKwayedza pakashanyirwa dunhu iri uye paiva nerunyerekupe rwekuti paakangopihwa mombe dzake nhatu dzekumuripa, akabva adzokera kuSouth Africa.

Ichiwo chikomba hachina kuonekwa zvakare sezvo chainzi chaiva chabvakacha.

Asi Kwayedza yakaronda Mpofu, uyo akanowanikwa kumusha kwevabereki vake kwaKafurambanje, pedyo nenzvimbo yemabhizimisi yeChireya Growth Point. Uku ava kugara naamai vake sezvo baba vake vakashaika.

Haana kuramba nyaya iyi kuvatori venhau uye akadonongodza zvose zvakaitika.

“Ndaigara nemurume wangu kwaMasakadza apo akazoenda kunotsvaga basa kuSouth Africa uko akatora nguva asina kudzoka. Akagara gore asingatumire mari kana zvekudya izvo zvakaita kuti ndirohwe nenzara nemwana.

“Uyu Tove Mubikanyama aingodarika nepamba pangu achindipfimba. Akauya nederere ndokundipa ndichibva ndabika, ndiwo musi wandakabvuma,” akadaro.

Anoti akazovigirwa chibage, huni, mari nepwa pamusoro apo vakatenge vave kudanana moto.

“Murume wangu anofanirwa kunge aifonerwa nehama dzake apo akazenge ava kundifonera usiku achibvunza kuti ndaiva nani ini ndichimuti ndaiva ndoga asi ndiina Tove,” akadaro Mpofu.

Obvunzwa nenyaya yekuti anonzwa sei nekusiya kwaakaita musha nekuda kwechipfambi pamusaka pederere nepwa, akangoti inzara yakamutuma kuita izvi.

“Murume wangu ndinomuda, dai zvaikwanisa ndaipihwa zvangu mumwe mukana ondiregererawo ndidzokere mumba mangu.”

“Izvozvi ndinokumbirawo zvangu kana mari yekuti nditange basa rekuzviriritira, mwana wangu ane gore nemwedzi 6. Kana ndikawana zvangu US$100 kana US$200 ndotanga kupfuya huku kana kuhodha zvimwe zvinhu ndichitengesa. Baba vangu vakafa,” akadaro.

Amai vake, Mai Agnes Siyamonga (41), vanoti havakwanise kuchengeta mwanasikana wavo sezvo ivo vachitodawo muriritiri.

“Mutoro wandiremera, baba vakashaika uyuwo musikana akadzoka kumurume.

“Tinogara pano tiri 8 kusanganisira naiye Sister nemwana wake,” vakadaro.

Vakayambira madzimai akawanikwa kuti vasaite zvechipfambi asiwo ndokushora varume vasingachengete madzimai avo.

“Hapana wandinorumbidza kubvira kuvanhukadzi vanoita zvechipfambi vari pavarume nevarumewo vanorega madzimai avo nevana vachidya nhoko dzezvironda.

“Kana vanhu varoorana ngavachengete dzimba dzavo,” vakadaro Mai Siyamonga.

Share This:

Sponsored Links