Mukana weAfrica kuWC . . . vamwe vanoti Nigeria, Senegal

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mukana weAfrica kuWC . . . vamwe vanoti Nigeria, Senegal Alex Iwobi

Kwayedza

Abel Ndooka
MUMASVONDO mashoma anotevera, pasi rose richange rakatarira kutanga kwemakwishu makuru enhabvu eFifa World Cup 2018 kuRussia apo zvikwata 32 zvichatatsurana mumutambo uyu. Mutambo uyu uchatanga musi wa14 Chikumi uye maziso ose achange ari pazvikwata zvinoti Germany iyo ine mukombe uyu, Brazil, France, Spain, Belgium neArgentina izvo zviri kutarisirwa kubvuta mukombe uyu kubva kuGermany.

Zvakadai, Africa ichange yakaisa tariro yayo pazvikwata zvishanu zvinoti Nigeria, Egypt, Senegal, Tunisia neMorocco.
Pazvikwata zviri kumirira Africa izvi, zvitatu zvacho ndezvekuNorth Africa zvinoti Egypt, Tunisia neMorocco kozoti zviviri ndezvekuWest Africa – Nigeria neSenegal. Southern Africa haina kana chikwata chimwe chiri kuimirira kumakwishu aya.
Svondo rino, Kwayedza yakaita hurukuro nevaongorori pamwe navariridzi venhabvu vakasiyana avo vanopa maonero avari kuita zvikwata zvemuAfrica zvichanokwikwidza kuRussia.

Murairidzi weChicken Inn, Joey “Mafero” Antipas, anoti ari kuisa mari yake pachikwata cheSenegal iyo iri muboka rine zvikwata zvinoti Poland, Japan neColombia muGroup H.

Senegal ine gomo guru rekukwira muboka rayo nekuti mune zvikwata zvakasimba asi Antipas anoti ari kufamba nayo sezvo yakasimba zvikuru.

“Senegal yakasimba zvikuru, vatambi vayo vese vazere kuEurope uye vari kutambira zvikwata zvikuru kusanganisira Sadio Mane uyo achangobva kutamba mufainari yeChampions League umo akanwisa achitambira Liverpool.
“Chikwata ichi chakasimba kudarika zvakawanda chaizvo,” anodaro Mafero.

Vatambi veSenegal vanotarisirwa kunetsa kumutambo uyu vanosanganisira Mane, Idrissa Gana Gueye weEverton, Keita Balde Diao weMonaco nakaputeni wacho Cheikhou Kouyate weWest Ham United.

Murairidzi weManica Diamond FC yemuDivision One Eastern Region, Luke Masomere, anotiwo nhabvu yashanduka zvikuru uye ari kuona zvikwata zvemuAfrica zvichikonzera nyaka-nyaka kuWorld Cup.

Muchinda uyu anoti Nigeria ichisvika kusemi-fainari yemutambo uyu.
“Kare seAfrica taingotarisirwa pasi tichinzi hatina kwatinosvika asi nhabvu yashanduka zvikuru, hakusisina chinonzi chikwata chidiki nekuti zvidiki zvacho ndizvo zviri kutovava kunyanya.

“Ini ndichange ndichimhanya neNigeria uye ndiri kuitsigira zvakanyanya kuti ibate basa kumutambo uyu. Ndichange ndichigara ndakapfeka zveruvara rwegreen nekuti ndinofarira nhabvu yavo zvikuru.

“Kana kutsanya ndichaitsanyira Nigeria nekuti iri pamwoyo pangu,” anodaro Vahombe sezita remadunhurirwa raMasomere.
Nigeria kana kuti maSuper Eagles ari muGroup D umo achasangana nezvikwata zvinoti Argentina, Croatia neIceland.

Chikwata ichi chizere zvakare nevatambi vanotambira kuEurope vanosanganisira Alex Iwobi weArsenal, Victor Moses weChelsea, Kelechi Iheanacho weLeicester City, naAhmed Mussa weCSKA Moscow yekuRussia.

Gore radarika, chikwata ichi chakaumburudza Argentina 4-2 iyo yaichasangana nayo kumakwishu eWorld Cup. Mugore ra2014, zvikwata zviviri izvi zvakasangana zvakare muboka rimwe chete kuWorld Cup Brazil apo Argentina yakazohwina 3-2.
Partson Ndabambi, uyo aimbove maneja weZPC Kariba uye akarairidza zvikwata zvizhinji zvenhabvu, anoti

Nigeria izere nevatambi vane tarenda vechidiki saka ndiyo yaachange achitsigira kumutambo uyu.
“Ini hangu ndichange ndichifamba neGermany ndiyo yangu asi muno muAfrica mari yangu iri paNigeria. Kubva kare, yagara ichienda kumutambo uyu saka gore rino ndinoiona ichiita zvinorova,” anodaro Ndabambi.

Zvakadai, zvimwe zvikwata zviri mumutambo uyu – kunyanya Egypt – ichange yakatariswa nevazhinji nekuda kwemutambi wayo Mohamed Salah weLiverpool uyo akatamba nhabvu yainwisa mvura mumwaka weEnglish Premier League wadarika.
MaPharaohs, sezita remadunhurirwa reEgypt, ane vatambi vanotamba zvinodadisa vanosanganisira iye Salah asi hunge akapora bendekete rake iro akakuvara mufainari yeChampions League, Mohamed Elneny weArsenal naAhmed Hegazi weWest Bromwich Albion.

Egypt iri muGroup A umo ichasangana neRussia, Uruguay neSaudi Arabia.
Zvimwe zvikwata zviri kumirira Africa, Tunisia iri muGroup G umo ichasangana neBelgium, England nePanama kozoti Morocco iri muGroup A umo ichasangana neIran, Portugal neSpain.

Morocco ine vatambi vakaita saAchraf Hakim weReal Madrid, Medhi Benatia weJuventus naYounes Belhanda weGalatasaray muchikwata chayo.

Share This:

Sponsored Links