‘Mukombe kuDeMbare’. . . Mutasa otaura nezvepsl 2018

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Mukombe kuDeMbare’. . . Mutasa otaura nezvepsl 2018 Kudzanayi Dhemere

Kwayedza

Abel Ndooka
KUCHANGE kusingadanwe anonzwa kunhandare dzakasiyana dzenyika musi weMugovera neSvondo apo zvikwata zvose zvinokwikwidza muCastle Premiership  zvichatatsurana mumitambo yazvo yekutanga kurwira mukombe uyu.

Maziso ese achange ari paFC Platinum iyo yakasimudza mukombe wePSL gore radarika kuti ichakwanisa here kurwira kuuchengetedza. Kozoti Dynamos FC – iyo yakapedza mwaka wadarika iri pechipiri – iri kutaridza kuti ichamuka chibhebhenenga sezvo murairidzi wayo, Lloyd Mutasa, akaruka chikwata  chakasimba kunge mbambo icho chine vatambi vechidiki vari kutamba zvinonwisa mvura.

Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Samaita – sezita raMutasa remadunhurirwa – anoti chikwata chake mwaka wadarika chakapedza chiri pechipiri saka tarisiro yavo vanoda kuita zvinorova gore rino.

“Sekuziva kwenyu mwaka wadarika takapedza tiri pechipiri saka chishuvo chedu mwaka uno kuti tidarike patakagumira tiri gore radarika.

“Mwana muchikoro chaimo akati aita nhamba yechipiri anenge agona hake saka gore rinotevera munotarisira kuti agodarika izvozvo agosimudza mukombe mukuru,” anodaro.

Mutasa anoenderera mberi achiti mukombe wePSL wagarisa usina kumbosvika kuDynamos saka chikwata chavo chicharwa semvumba kuti chiuhwinhe.

“Isu hatina zvimwe zvatiri kuda kunze kwemukombe uye vatambi tinavo vachauunza mukombe uyu,” anodaro.

Vatambi veDynamos vechidiki vanosanganisira Kudzanayi Dhemere, Valentine Kadonzvo naTanaka Ushehwengavi avo Mutasa anoti anovimba navo.

“Vatambi ava vane tarenda riri mavari rinonwisa mvura uye tinotarisira kuti tikashanda navo zvakasimba vachaunza mufaro kuvatsigiri veDynamos,” anodaro Mutasa.

Mutambo weDynamos wekutanga ichasangana neChicken Inn neMugovera kuBabourfields, kuBulawayo.

Zvakadai, CAPS UNITED mwaka uno yakatenga vatambi vakawanda chaizvo. Kepekepe ichange isina kaputeni wechikwata ichi, Hardlife Zvirekwi, zvichitevera kukuvara kwaakaita mutsaona yemotokari zvakaita kuti azodimburwa ruoko rwake rekuruboshwe.

Vatambi vanoti Dominic Mukandi, Ronald Chitiyo naMilton Ncube vari kutarisirwa kunetsa zvikuru kuCAPS UNITED mwaka uno. Chikwata chaLloyd Chitembwe ichi mutambo wacho wekutanga chichasangana neHarare City kunhandare yeNational Sports Stadium musi weSvondo.

Zvakadai, mwaka wadarika Ngezi Platinum Stars yakamboita kunge ndiyo ichatiza nemukombe wePSL asi ndokuzodzikira matambiro ayo mwaka wave kunopera.

Rwendo rwuno chikwata chaTonderayi Ndiraya ichi chiri kutarisirwa zvikuru kutamba zvinonwisa mvura.

Vatambi vanoti Qadar Amini, Xolisani Moyo naTerence Dzvukamanja ndivo vevamwe vachange vachitarisirwa kufadza vatsigiri venhabvu vechikwata ichi mwaka uno.

Ngezi Platinum Stars iri kutanga mwaka wayo nekusangana neHerentals nemusi weMugovera kuBaobab Stadium.

Mwaka uno, ligi rePSL rakatambira zvikwata zvitsva zvinoti Herentals, Nichrut FC, Mutare City neHarare City iyo yakadzoka zvichitevera kutenga kwayakaita francise yeHow Mine iyo yakati haichakwanise kuramba ichikwikwidza muPSL.

Share This:

Sponsored Links