Mukombe ndewedu: Jere

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Mukombe ndewedu: Jere Phineas Bhamusi

Kwayedza

Abel Ndooka
SACHIGARO weCAPS UNITED, Farai Jere, anoti mwaka wa2019 ndewechikwata chake uye chinoda kurakasha zvimwe zvese kuti vagove shasha zvakare dzeCastle Premiership.

Makepekepe, sezita remadunhurirwa reCAPS UNITED, yakapedzisira kusimudza mukombe wePremier Soccer League (PSL) mugore ra2016 uye makore maviri adarika mukombe uyu wange uchitorwa FC Platinum.

Mwaka yadarika, CAPS UNITED yange ichitatarika zvikuru kuti ipedze iri pakati pezvikwata zvina zvepamusoro pelog.

Achitaura neKwayedza svondo rino, Jere anoti chikwata chavo chicharwa semvumba mwaka uno.

“Gore rino, Makepekepe ichadzirakasha dzese mirai muone uye tiri kuvaka zvakasimba kuti tidzore mukombe wedu weCastle Premiership.

“Mukatarisa vatambi vamwe vataunza kuchikwaa chedu zvinorakidza kuti tiri kuziva zvatiri kuita uye tiri kuda chaizvo kuve shasha,” anodaro Jere.

Anoti CAPS UNITED inoda kutora mukombe wePSL kuitira kuti igowana mukana wekukwikwidza zvakare mumitambo yeCAF Champions League.

Anoti vane vatambi vavatenga mwaka uno vepamusoro vachabatsira zvikuru chikwata chavo mukusimukira panyaya dzenhabvu.

Kusvika parizvino, Makepe-kepe yatenga vatambi vanosanganisira Gabriel Nyoni uyo akabva kuHighlanders, Phineas Bhamusi kubva kuTriangle, Blessing Sarupinda kubva kuBlack Rhinos nevamwe vakasiyana.

“Isu tiri kuda kudzokera muChampions League nekuti mutambo uyu wakakosha zvikuru, zvikwata zvese zvinoda kukwikwidzamo saka isu toda kudzokera.

“Mukatarisa vatambi vatatenga ndeve pamusoro, izvozvo  zvega zvinorakidza kuti basa ratiri kuda kubata iguru,” anodaro Jere.

 

Share This:

Sponsored Links