Uncategorized

Mukuwasha akaponda ambuya nembwa dzavo

0 Views

Kwayedza

Blessings Chidakwa ari kuGWERU
MURUME wekuKwekwe anonzi akaponda ambuya vake — amai vemudzimai wake — avo vaigara kuSogwala, kuLower Gweru, ndokuvadzura zino rimwe chete iro raanoti ndiro ravaishandisa mukuroya.

Pamusoro pezvo, mukuwasha uyu akasiya auraya imbwa nhatu dzaambuya ava, ndokucheka nzeve, idzo akaenda nadzo.

Svondo rino, Lawrence Moyo (26) akamiswa pamberi pemutongi Pathekile Msipa wedare reGweru Magistrates Courts achipomerwa mhosva yekuuraya amai vemudzimai wake, Inna Ncube (53).

Mushure mekupfupfuridza ambuya vake, Moyo anonzi akazourayawo imbwa dzavo nhatu ndokucheka nzeve dzacho, idzo akatakura kuenda nadzo.

Achitaura pakumira kwaakaita mudare, Moyo anoti aigaroudzwa nemudzimai wake kuti amai vake vane zino ravanoshandisa mukuroya. Anoti musi waanonzi akazoponda ambuya vake uyu, akange avashanyira pamusha pavo aine mhuri yake.

“Ndakabva kuKwekwe kwandinogara nemhuri yangu huri husiku tati regai tishanyire ambuya kuLower Gweru. Asi takati tavata, ndipo pandakanzwa pamweya kuti pane mweya yetsvina yainge yondishungurudza,” anodaro.

Moyo anoenderera mberi kuudza dare achiti: “Ndakabva ndamutsa mudzimai wangu natsano kuti tibatsirane kudzura zino ramai — iro rainzi ndiro ravanoshandisa kuroya. Takabva tatanga kunamata vamwe vakandibatsira kubata huro nemawoko avo.

“Ndakatanga kudzura zino raamai, iro randakakwanisa kubvisa tichibva taenda kunovata. Takazomuka mangwanani ndokuona amai vakatonhora. Asi chiri kundishamisa pari zvino ndechekuti mapurisa vakabata ini ndoga vachisiya tsano nemudzimai wangu, asi taive tose pakubata basa iri.”

Zita remudzimai waMoyo neratsano vake avo vaanoti vakamubatsira paakadzura zino raambuya vake haana kudurwa mudare. Mutongi Msipa akati Moyo anofanirwa kumbovharirwa mutirongo kusvikira musi wa11 Chikunguru gore rino apo nyaya yake inenge ichiongororwa.

Muchuchisi munyaya iyi ndiEdward Gwaenda.

Share This:

We value your opinion! Take a moment to complete our survey