Uncategorized

Mukuwasha wekuroora neZim$ otorerwa imba

06 Jul, 2018 - 05:07 0 Views
Mukuwasha wekuroora  neZim$ otorerwa imba

Kwayedza

MUKUWASHA wekutadza kubhadhara roora mukadzi wake ari mupenyu ava kuzvidemba zvichitevera kutorwa kwava kuitwa imba yake iri kwaZiko, kwaSeke, natezvara vake mushure mekunge mudzimai wake afa.

Mukuwasha uyu ange anzi abvise $3 500 nemombe sere dzeroora ne$50 pamusoro yemhere.

Mari yemhere inobviswa setsika yechivanhu yekuzivisa hama dzemufi nezverufu.

Jonathan Chimwenye asangana netsekwende yekutorerwa imba yake natezvara mushure mekufirwa nemudzimai wake, Fungai Venge. Anonzi anga agara nemukadzi uyu kwemakore 11 asina kubvisa pfuma yekumuroora.

Kwayedza yakashanyira Chimwenye pachipatara cheChitungwiza Central Hospital nomusi weMuvhuro uno apo akange akamirira kutora mutumbi wemudzimai wake mumochari segadziriro yekuti unge uchinovigwa kumarinda ekuNyatsime, kuChitungwiza ikoko.

“Mudzimai wangu ndakagara naye kwemakore 11 zvisinei nekuti hatina hedu kuita kana mwana mumwe chete. Nguva yadarika akangotanga kurwara achizvimba muviri tichibva tauya naye pano paChitungwiza Central Hospital apo akapihwa mubhedha.

“Vakatanga kumudhirena mvura mumuviri vachiti ndiyo yaikonzera kuzvimba. Akasvika pakushaya vasati vaona chirwere chacho,” anodaro. Chimwenye anoti tezvara vake, VaEveristo Venge, pamwe nedzimwe hama vakamushandisira chisimba ndokumutorera imba yake ine makamuri maviri iri kwaZiko vachimupa mhosva yekusabvisa roora.

“Kutaura chokwadi ndakamboenda kumusha kwemudzimai wangu kuGokwe ndikanyorerwa gwaro rerooora (list), asi handichaziva kuti ndakabvisa marii nekuti panguva iyoyo taishandisa maZimdollar.

“Inyaya yekuti ndiri munhu afirwa, saka vava kundimbunyikidza. Ndatosainiswa ma‘affidavits’ ekuti imba yangu iende muzita ratezvara, vari kuda zvakare magwaro emba yacho. Saka ndangosainawo kuti zvindibve nekuti hapana zvekuita.

“Imba yangu ndanga ndichiida asi izvozvi zvinhu zvangu vakatozviburitsa panze uye mbambaira vakatochera. Vari kuti vanoda kusiya vaisa maroja kureva kuti ini ndava kutoenda kunoroja,” anodaro.

Chimwenye anoti akamboda kuenda kumapurisa kunomhan’arira madzitezvara ake asi akadziviswa nevamwe vanhu vaive parufu vachiti zvaizokonzera kuti mutumbi wemudzimai wake unonoke kuvigwa.

00 Affidavit rinonzi rakasainiswa Jonathan Chimwenje namadzitezvara ake.

“Ndava kutongoita zviripo, Mwari ndivo vanoziva. Ndakamboshanda ndichityaira marori asi iko zvino ndava kumakombi uye hapana chiri kubuda kuti ndibvise $3 500 iri kudiwa nemadzitezvara nemombe 8 dzacho. Zvakawandisa ndinozviwana kupi?

“Ndatoregera kuenda kumapurisa nekuti vanhu vanotya kuti kana vanatezvara vakadzokera kumusha kwavo kuGokwe mushure mekuramwa, zvinozonetsa kuti vazoteverwa, chitunha chemudzimai wangu chinozogarisa mumochari chisati chavigwa,” anodaro.

Chimwenje anoti ndiye akatumira mari yebhazi yekuti tezvara nevamwe vemhuri vauye kunhamo vachibva kuGokwe.

Zvichakadai, Fungai akazovigwa nomusi weChipiri uno kuNyatsime Cemetry.

Vatezvara vaChimwenye, VaVenge vakaudza Kwayedza panhare kuti mukuwasha wavo anonyepa zvikuru nekuti haana kana sendi raakabvisa seroora.

“Ngaarege kufamba achitaura zvemakuhwa izvo. Imba yake tatotora, tiri kutotsvaga vanoitenga iri kuita $2 000.

“Mwana wangu tamuviga nhasi uye hapana munhu ari kumushungurudza mukuwasha uyu. Aigarirei nemwana wedu asingabvisi pfuma?” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>