Mukwamba adzokazve

13 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Mukwamba adzokazve

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
PATRICK Mukwamba (69) – uyo akamboita mukurumbira munyika muno nekambo kanonzi “Wapenga Nayo Bonus” – adzoka zvakare mudariro nedambarefu idzva rine nziyo gumi nembiri.

Mukwamba ari kuimba nechikwata chake cheSilver Sinde uye panziyo gumi dziri padambarefu iri, iro rinonzi “Mafaro Kubhawa”, pane mbiri itsva nedzimwe dzekare.

Musharukwa uyu akamboimba nezvikwata zvinosanganisira Four Brothers icho chaitungamirirwa naMarshal Munhumumwe. Anoti dambarefu rake idzva iri rine kambo kari pamusoro pemararamiro evanhu vanotambudzika kanonzi “Hupenyu Hwangu”.

“Dzimwe nziyo dziri padambarefu iri dzine dzidziso kuvanhurume yekuti vasapedzere mari kumabhawa,” anodaro.

Dzimwe nziyo dzaMukwamba dzakaita mukurumbira dziri pambarefu iri zvakare dzinosanganisira “Wapenga Nayo Bonus”, “Usanyare Basa Raunoita”, “Vambozha Vauya”, “Amai Nyembezi”, “Nhamo Yekufambira Chikwereti”, “Tenga Gumbeze”, “Sellina”, “Sarura Wako”, “Vakakunda Zviyedzo” na”Takabvaneko”.

Mukwamba anoti dambarefu iri akaritsikisa mwedzi wapera.

“Unyanzvi hwangu kunyora nekuimba chete ndichitungamirira vanoridza magitare nengoma kusanganisirawo hosho,” anodaro.

Dzimwe nhengo dzemuchikwata cheSilver Sinde dzinosanganisira Anesu Makoni uyo anonyanya kuzivikanwa nekuti Lady Sai Sai anoimba, Andrew Chikwanha anoridza bass, Chris Mukwindiza anoridza rhythm naTichaona Cheche anoridza lead guitar.

Chikwata ichi parizvino chiri kuita mashoo muguta reHarare kunzvimbo dzakasiyana.

“Dambudziko redu guru kushaya midziyo yekuridzisa uye tiri kutarisira kuti titsvagewo vanotibatsira nekuti iye zvino tinohaya zvekuridzisa pamwe chete nemotokari yekuendesa kumashoo izvo zvinotidhurira zvikuru,” anodaro Mukwamba.

Parizvino, anodaro Mukwamba, ari mushishi yekutsvaga nyanzvi yekuridza lead guitar. Anoti chikwata chake chine nziyo dzakawanda zvikuru dzavanoda kutsikisa asi dambudziko ravo nderekushaya mari.

“Izvozvi tiri kuronga kugadzira vhidhiyo redambarefu redu idzva iri asi dambudziko ndiroro remari,” anodaro.

Mukwamba ari kuchema-chemawo zvikuru nenyaya yekubiwa kwemimhanzi yevaimbi ichitengeswa pamusika wemukoto nenzira yepairesi izvo anoti zviri kuvashaisa chouviri. Zvakadai, anoti anoyemura vamwe vaimbi vanosanganisira vashakabvu Simon naNaison Chimbetu, Leonard Dembo naMunhumumwe. Vamwe vaanorumbidza ndiThomas Mapfumo naOliver Mtukudzi.

“Kune vaimbi vechidiki ndinoti ngavasamhanya kutsikisa nziyo dzavo dzisina kukwenenzverwa zvakanaka,” anodaro.

Kunze kwezvemimhanzi, Mukwamba anoitawo basa rekuveza matombo achitengesa pamwe nezveEngineering ari kwaRusape.

Share This:

Sponsored Links