Uncategorized

MultiChoice yaunza mufaro . . .

03 Jan, 2019 - 09:01 0 Views
MultiChoice yaunza mufaro . . .

Kwayedza

‘Kirisimasi box’ yemabhuku

Tandayi Motsi
KAMBANI yeMultiChoice Zimbabwe svondo rapera yakaunza mufaro mukuru kuvana vanochengetwa pamusha wenherera weTichakunda Children’s Home uri kuHatcliffe, muHarare, kuburikidza nekuvapa chipo cheKirisimasi chemabhuku ekuverenga.

Chirongwa chekupa mabhuku kuvana vanoshaya ichi ipfungwa yakauya nemunyori ane mukurumbira ari zvakare mudetembi – Larry Kwirirayi.

MultiChoice pakutanga yakange yakatara kuti inofanira kuunganidza mabhuku 100 panosvika musi wa1 Zvita 2018 kuitira kuti vana ava vanzwe manyukunyuku kuburikidza nekuverenga.

Kambani iyi yakatsigira chirongwa ichi nekukurudzira makasitoma ayo kuti ape zvipo zvemabhuku aiunganidzwa kumahofisi ayo ari munzvimbo dzinoti Harare, Bulawayo neMutare.

Liz Dziva, uyo anova publicity and public relations manager kuMultiChoice Zimbabwe, anoti kambani yake yakaona zvakakodzera kuti ibatsire vana vanoshaya nemabhuku ekuverenga.

“Takaona kuti kuburikidza nenzvimbo dzakatsaukana dzekuunganidza mabhuku dzatinadzo, uye nekutaurirana nemaksitoma edu, taigona kubatsira Larry kuti mabhuku anounganidzwa adarike 100, uye tosimudzira upenyu hwevana vakawanda panguva yeKirisimasi,” anodaro Dziva.

MultiChoice – yakabatana nesangano reZimbabwe Women in Music and Lions Club – yakaitira vana vepaTichakunda Children’s Home mabiko eKirisimasi ndokupedza zuva rose vachitandara navo.

Vamwe vaive pagungano iri vanosanganisira muimbi ane mukurumbira Edith Weutonga.

MultiChoice yakagara ichibatsira vana vanotambura munyika muno uye munaChikumi gore rapera, yakabatsira mukuvandudzwa kwekamuri yaidyirwa nevana vepaSt Joseph’s Home for Boys, iri muHarare kuiita nhandare yezvemitambo uye ndokupa zvakare DStv decoder idzva.

Zvichakadai, principal wechikoro ichi, VaCharles Masaraure, vanotenda MultiChoice nezvayakavaitira vachiti, “Tinoda kutenda DStv Lion Club women in music nezvavakatiitira paKirisimasi – zvekudya, mbatya nemabhuku. Vana vedu vakava nezuva rakanaka uye vari kutenda zvikuru.”

Share This:

Sponsored Links