Uncategorized

‘Mumarara mune mari’

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Mumarara mune mari’

Kwayedza

EDNAH TSARWE (1)
Muchaneta Chimuka

KUNYANGWE zvazvo vanhu vakawanda vachitora marara sezvinhu zvisina maturo, kune vamwe vari kuwana raramo kubva maari kuburikidza nekuanhonga vachiatengesera kumakambani. Sangano reEnvironmental Management Agency (EMA) svondo rapera rakabatana nevatori venhau mukunomema makambani nemapoka ari mubasa rekuchengetedzwa kwenharaunda ayo anotenga neanotengesa marara.
Dzimwe dzenzvimbo dzakashanyirwa dzinosanganisira Pomona, National Waste Collection iri kuGraniteside, Pet Bottle Collection Centre, misha yeMbare, kuHighfield neMsasa nekuChitungwiza.

Mai Edinah Tsarwo (58), avo vanove mukuru weTisunungureiwo Co-operative (Pet Bottle Collection Centre) vanoti vakatanga chirongwa ichi mugore ra1996.

“Muzinda uno takauvamba makore maviri adarika mushure mekunge tadzidza kuti mumarara mune mari. Tinotenga marara anounzwa neveruzhinji akadai semunoisirwa zvinwiwa, madhishi ayo tinozotengesera makambani makuru.

“Tinoshanda tiri pasi pekambani yePetrezim tichiunzirwa magaba nemakambani anokwana masere kusanganisira Delta Co-operation. Basa redu guru nderekuronga magaba akafanana tichiaisa pawo oga asi chinorwadza ndechekuti basa remarara rinotarisirwa pasi,” vakadaro Mai Tsarwo.

Vanoti chishuwo chavo ndechekuti kudai Hurumende nemamwe masangano akazvimiririra vaonawo kukosha kwebasa remarara kuti ritsigirwe.
“Bhizimusi remarara rinotarisirwa pasi uye munyika muno hazvibhadhari kana tichienzanisa nekune dzimwe nyika. Nokuti kg rimwe chete remarara emabhodhoro tinoritenga neR2. Kana isu tichinge tazomaronga tinobhadharwa US$750 pamakgs 17 000,” vakadaro.

Vanoti pavakatanga bhizimusi iri rakange riri duku asi iko zvino riri kukura. “Takatanga tichitengesa magaba kuMbare kusvika tazofunga kuumba mushandirapamwe uno uyo une vanhu 15, varume vanomwe nemadzimai masere. Basa iri rinorwadza nekuti tinobata marara, mamwe acho ane tsvina, zvinova zvinokanganisa utano saka tinochema kuti kudai tawaniswawo mari muno muZimbabwe nekuti tinoona kuti kune dzimwe nyika vanopa mari yakawanda.

“Gore rakaitwa World Cup kuSouth Africa vanhu vemuno vakaendako kunonhonga marara nekuti vaiwaniswa mari dzepamusoro,” vakadaro.
Zvakadai, EMA yakakurudzira vanhu kuti vachengetedze nharaunda dzakachena kuburikidza nekushandisa marara mukugadzira zvinhu zvinovapa chouviri.

Share This:

Sponsored Links