Uncategorized

Mumwe anozviti ndiJesu

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mumwe anozviti ndiJesu

Kwayedza

KUGURUVE kune musikana kana kuti mukadzi wechidiki ave nemakore makumi maviri achizviti ndiye Jesu uye akatotanga chechi yake.

Mukadzi uyu, Tepsy Nyanhete (23), anobva mumusha wasabhuku Chatiza uye anonzi akatanga kuzviti ndiye Jesu apo aiva nemakore matanhatu ekuzvarwa.

Anopinda chechi yeMudzimu Unoyera iyo akavamba pamwe chete nevabereki vake.

Tepsy anoremekedzwa zvikuru nevanhu vemunzvimbo yaanogara pamwe chete nevateveri vechechi yake zvekuti nzvimbo yaanogara inoshevedzwa kuti kwaJesu.

Nguva yadarika, chechi iyi yakamboita mbiri apo vakuru vayo vakasungwa nenyaya yekurambidza vana kuenda kuzvikoro nekuitawo zvimwe zvinosanganisira kurambidza vatendi kuwadzana neveruzhinji. Nhengo dzechechi iyi dzinotaura nendimi dzinodaidzwa kuti Titinoia Pirida.

Amai vaTepsy vanotorwa saMai Maria asi zita ravo chairo ndiEntrance Nyanhete.

Zvisinei kuti Tepsy akazoitiswa mwana, zvinonzi mweya waitaura kuti aisafanirwa kuroorwa kana kuve nemwana. – The Herald.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>