Mumwezve mubairo weKwayedza

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Mumwezve mubairo weKwayedza

Kwayedza

Ibepa rakanaka muzvikoro: Shumba

KECHIPIRI mukati menguva inokwana mwedzi, bepanhau reKwayedza raremekedzwa zvakare nekupihwa mubairo nebazi rezvedzidzo.Svondo rino Kwayedza rakapihwa zvakare mumwe mubairo nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukutenda basa guru rariri kuita mukusimudzira zvidzidzo zveShona muzvikoro.

Mubairo uyu wakapihwa kuKwayedza nebazi iri kudunhu reManicaland.

Mukuru wezvedzidzo kuManicaland, VaEdward Shumba, vanotenda basa riri kuitwa neKwayedza mukusimudzira Shona muzvikoro.

Izvi zvinotevera mumwezve mubairo uchangobva kupihwa kubepanhau rine mukurumbira iri nemukuru wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Kateera, avo vanoti vari kufadzwa zvikuru nebasa riri kuitwa neKwayedza.

VaShumba vanoti vana vechikoro zvose nevarairidzi vanofanira kukoshesa Kwayedza sezvo richibatsira zvakanyanya muzvidzidzo zveShona.

“Vana vechikoro vari kubatsirika zvakanyanya muzvidzidzo zveShona zveGrade 7, O- neA-Level. Tikatarisa mudunhu reManicaland, vadzidzi vari kupasa bvunzo dzeShona nekuda kwebepanhau reKwayedza iro riri kubatsira zvakanyanya.

“Bepanhau iri riri kuyamura mukurodza njere saka ndinokurudzira vana vechikoro vose nevadzidzisi kuti varishandise zvikuru,” vanodaro.

Vanoti semuenzaniso, vadzidzi veA-Level pabvunzo dzeShona muna2014 mudunhu ravo vakabudirira nechikamu che91,7% zvisinei kuti vakazodzikira kuenda pa90,8% gore rapera.

VaShumba vanoti vane chivimbo chekuti kana gore rino vana vakashanda nesimba, vachabudirira pabvunzo dzeShona nechikamu che100%.

Vanotizve vanoda kusimbaradza hukama hwavo neKwayedza kuburikidza nekuti mimwe mitauro yakaita seNdau inge ichiwanikwa mubepanhau iri muzvikamu zvaro zveDenhe Reruzivo.

“Zvikoro zviri kunzvimbo yeChipinge zvinofarira Kwayedza uye zvine chishuwo chekuti pavewo nezvinyorwa zvechiNdau,” vanodaro VaShumba.

Vanoti gwaro idzva redzidzo, reNew Education Curriculum, rinokurudzira vana kuti vafunde zvidzidzo zvechinyakare, tsika nemagariro.

Izvi, vanodaro VaShumba, zvinofambirana nezvinoburitswa neKwayedza.

Vanoti itarisiro yavo kuti bazi ravo rirambe richishanda nebepanhau iri mukusimudzira mutauro weShona.

“Kwayedza ndiyo svumbunuro kune vana vanoda kupasa chiShona zvakare neavo vane chishuwo chekuzonyora mabhuku ane eShona ine hudzamu. Naizvozvo ngatirambei tichitsigira mutauro wedu sevanhu vatema uye vane tsika nemagariro akanaka,” vanodaro VaShumba.

 

Share This:

Sponsored Links