Uncategorized

Munhu chaiye haasi muwivhi, make-up

04 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

WAKANDIRAMBA Alexander, hazvina hazvo mhosva. Ko ndingakumanikidze nekukubata huro here kuti undide? Kwete, hazviite nyangwe zvangu ndichirwadziwa kuti wakandifura sedzihwa rechembere rinofurwa nemaoko richizunzirwa pasi.

Dai wakandiramba nekuti ndine zvandakakukanganisira, pamwe ndainzwisisa, asi wakandiramba nekuti ndakaenda newe kumuchato weshamwari yangu Jossie, tasvika ikoko, wakatorwa mwoyo neshamwari yaJossie inonzi Michelle.

Hauna kana kumbozvivanza kuti wakanga watosvorwa maziso ako ese nemavhu echamupupuri cherudo. Wakasara wave kutsvanzvadzira uchishevedza Michelle “musikana anosekerera kunge ruva riri kutumbuka panguva yemangwanani,” sekutaura kwako.

Alex, handikwanise kukuudza kuti zingizi gonyera pamwe maruva enyika haapere nekuti ndakambokuudza kudaro ukandituka uchiti iwe hausi zingizi. Wakandiudza zvakare kuti wakanga usati wandiroora, saka ndakanga ndisingafanire kukuchengera.

Handikwanise kukuudza kuti wakandipedzera nguva yangu ukatondirega ndichienda newe kuna tete vangu. Ndiri kuzvituka nekuti ndakabvuma kuti utemhe mango kubva muochadhi yangu. Wakadya mango dzangu Alex.

Chete benzi ndini, munda wechibage wakabvuma kuita hushamwari nemakudo.

Alexander enda zvako naMichelle wako wawakazviwanira nekuti wakati kana pari parunako chete, ini naMichelle takasiyana seMutare neBulawayo, segehena nedenga.

Wakanditi dai tiri hupfu ini ndiri mugayiwa une zvipfukuto zvakagayirwa mukati mechibage, iye Michelle ari super refined hupfu hwakatsetseka zvekupotsa hwaita mvura chaiyo.

Unotsvinya Alex. Unotsvinya zvekuti ndiri kufunga kuti kurambwa newe zvandibva kumeso kufa kwemukuwasha benzi.

Asi Alexander nditeererewo kekupedzisira. Handisi kuramba kurambwa sezvawakanga wave kuudza shamwari dzako Widzo naFidza. Wakanga usina kundiroora, uye sezvakaimbwa naJames Chimombe, “Kurambwa hakuna kutanga neni.”

Saka wakaita zvako wakandibudira pachena, nyangwe wakandirwadzisa nekutora shamwari yeshamwari yangu. Ini ndinozivana naJossie, iwe unozivana neni, uye Jossie anozivana naMichelle, asi ini newe hatizive Michelle.

Jossie akandiudza kuti Michelle anogona kunge akabatidza magetsi mumwoyo mako, asi uchenjere kuti magetsi iwayo anogona kuzokupisa.

Ndiri kuramba ndichikanganwa chinhu chakakosha chandiri kuda kukuudza Alexander. Ndiri kuda kukuudza kuti munhu chaiye haasi kunze, asi ari mukati, ari mumwoyo. Munhu chaiye haasi muwivhi, make-up nechipfuva chinogara chichidongorera panze sezvinoita Michelle.

Ndinozviziva kuti uchati rave jerasi rangu nekuti handina zvina Michelle, handisi kaYellow Bone. Asi nhamo yako chaiyo Alexander ndeyekuti une maziso, asi hauone. Dai waiona, ungadai wakaona munhu chaiye ari mumwoyo mangu, munhu asina Brazillian hair, munhu asina nzara refu dzinoteta kubata kunge dzemunhu ari kubura mbambaira iri kugochwa murufuse.

Variko vakatiza vanhu vaivada vakazozviziva zvisisaite kuti vadzokere. Newe enda zvako naMichelle wawakazviwanira. Asi maziso nekuda zvinhu ndiko kwakadzingisa Adam naEve muEden, nekuti Eve akatarisa muti wavakanga vanzi vasadye, akaona kuti michero yavakanga varambidzwa yaive yakanaka uye ichifadza meso.

Newewo Alex, idya zvako muchero wako – idya zvese nemashizha, makwati nemidzi yacho.

Kana nyangwe ukati uri kuteerera mwoyo wako, usakanganwe kuti Bhaibheri rinoti mwoyo unonyengera. Mwoyo haungonyengera vamwe vanhu chete, unogona kukunyengera iyewe muridzi wawo.

Samuel akaona Eriabhi akafunga kuti ndiye waive atumwa kuzozodza, asi Jehovha vakati, “Rega kutarira chiso chake kana mumhu wake . . . Jehovha haatarise zvinhu zvinoonekwa nevanhu. Munhu anotarisa zviri kunze, asi Jehovha anotarisa pamwoyo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey