‘Munoda kuti ndiunze twuvana 11 kudare?’

09 Jun, 2014 - 16:06 0 Views

Kwayedza

MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mukadzi wake nenyaya yemendenenzi akaramba kuti ishoroma sekutaura kwemudzimai uyu achiti ane vakadzi vaviri nevana 11 avo aiita zvekutambura kuvariritira.
Virginia Maketo akamhan’arira aimbova murume wake, Mabaso Nyakudya, kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana wavo. “Ndauyawo kudare kuti ndibatsirwe kudzidzisa baba ava kuti vanofanira kuchengeta mhuri yavo. Vanoita basa rekunyepa kuti havana mari ivo vaine zvitoro zviviri, motokari mbiri uye murimi mukuru wefodya nematomatisi, vanoendesa mabhokisi 150 pavhiki kuMbare.

“Vane makore akawanda vari murimi zvekuti iye zvino ndiko kunobva mari yavo yakawanda,” akadaro Maketo.

“Baba ava vari kunyepa kuti vane vana 11, vane vakadzi vaviri, wekutanga ane vana vana, wechipiri ane vana vatatu uye kusanganisira wangu vane vana vasere. Havana kumbobvira vachengeta mwana kubva ichiri nhumbu,” akadaro Maketo. Nyakudya akaramba kuti ishoroma achiti:

“Ishe wangu, ndinokumbira kuti dai dare rino ratondibatsirawo nekuti ndine vakadzi vaviri nevana 11, vese vakamirira kuchengetwa neni. Ndakaita tsaona ndikakuvara ruwoko rwangu saka handichakwanisa kuita mabasa akaomarara, ndinotobatsirwa nevakadzi vangu vaviri kurima matomatisi tichitengesa. “Ndinogara kwaChinamhora, kuDomboshava iye mukadzi uyu ndiye anotogara kuGlen View, muHarare. Ndakamuudza kuti andipe mwana ndigare naye ndichimuendesa kuchikoro chakachipa asi akaramba achiti haadi kuti mwana wake agare kumusha.

“Fodya yaari kutaura kuti ndinorima ndakatotanga gore rino, handina kumboita mari yakawanda nekuti pabhero ndaiwana $50 uye chitoro ndine chimwe chete chandiri kurojesa.

“Kana muchifunga kuti ndiri kunyepa kuti ndine vana vakawanda ndinouya natwo twuvana twacho twakaita mutsetse muno mese makatarisa.”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati vaviri ava vadzoke kudare zvakare apo kutongwa kwenyaya yavo kunenge kuchienderera mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey