Munyori wemabhuku otsvaga rubatsiro

09 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Munyori wemabhuku otsvaga rubatsiro Godknows Marondo

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa naGamuchirai Muzanenhamu
MUNYORI wemabhuku wechidiki uyo ari kusimukira ari kutsvaga rubatsiro rwekudhindisa mabhuku ake manomwe echiShona.

Godknows Marondo (30) anoti ane chido chekunyora mabhuku asi dambudziko raakatarisana naro nderekushaya makambani anomubatsira mukuadhinda.

“Ndiri munyori wemabhuku echiShona uye ndakatanga zvekunyora izvi ndiine makore 27 okuberekwa. Asi zvainge zvabvira kuchikoro uko ndaiva shasha yekuba mabhuku, zvinyoreso nemapepa zvevamwe ndichitsvaga pekunyorera sezvo zvangu zvaikurumidza kupera,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Dambudziko randiri kusangana naro nderekuti makambani anotsikisa mabhuku haasi kunzwawo chichemo changu. Ndakaendesa mabhuku matatu, hapana kana rimwe ramboti rabuda asi mari inodiwa ndinenge ndakabhadhara,” anodaro. Anoti bhuku rake rekutanga rinonzi Gwisai iro ratova nemakore matatu risati raburitswa.

“Bhuku rangu rekutanga rinonzi Gwisai randakanyora makore matatu apfuura asi harisati raburitswa,” anodaro Marondo.

Zvisinei, anoti kunyangwe zvakadaro, haasi kuzomira kunyora mabhuku nekuti ane tarisiro yekuti mukana wake uchasvikawo wekuti mabhuku ake averengwe neveruzhinji.

“Handiore mwoyo nekuti mukana wangu uchasvikawo, ndine mamwe mabhuku matanhatu andakanyora nekuti ndinoziva kuti veruzhinji vachakwanisa kuaverenga uye vana vechikoro vachadzidza nezvawo,” anodaro Marondo  Anoti anonyora pamusoro pezvechinyakare nematambudziko anosanganikwa nawo nevanhukadzi.

“Mumabhuku umu ndinowanzonyora zvechinyakare uye matambudziko anosangana nevanhukadzi, handingonyorere kunakidzwa,” anodaro.

Mamwe emabhuku akanyorwa nemuchinda uyu anoti Barika, Shayisano, Ruvimbo, Taiveko naRevai.

Vanoda kubatsira Marondo kuti akwanise kutsikisa mabhuku ake vanomubata pa0719 667 912.

Share This:

Sponsored Links