Uncategorized

Mupfuhwira wenyoka

20 Feb, 2018 - 12:02 0 Views
Mupfuhwira wenyoka Madzibaba Nobert Rwenga vakabata nyoka

Kwayedza

Ray Bande ari kwaMUTARE
MUKADZI wekuPenhalonga, kwaMutare, uyo akaroorwa pabarika remadzimai matatu, anonzi anga achigara nemikweshwa yenyoka mbiri dzerudzi rwemhungu mumba make idzo anoshandisa semushonga wemupfuhwira unoita kuti murume wake amude “moto” kudarika vamwe vakadziny’ina vake.

Mudzimai uyu anonzi zvakare aishandisa nyoka idzi kuti vakadziny’ina vake vagare vachiwirwa nerushambwa.

Nyoka idzi – hadzi nerume – idzo dzose dzakareba kudarika mita imwe chete, dzakazobatwa nemumwe muporofita pamusha paCharles Bande, murume ane barika remadzimai matatu.

Madzibaba Nobert Rwenga wechechi yeTsime Reupenyu Apostolic Sect ndiye akabata mazinyoka aya. Madzibaba Rwenga anoti nyoka idzi dzange dzichikonzera hurwere hwemudzimai wechipiri waBande uyo anonzi ave nemakore matatu akarara panhovo.

“Ndakabva kuSouth Africa uko kwandiri kugara pari zvino mushure mekunge ndashevedzwa nevamwe vanhu. Ndave muno kudaro, ndakazoshevedzwazve nevemhuri yekwaBande avo vanoti vane dambudziko rine chekuita nemweya yakaipa.

“Sekuona kwedu, vanoratidza kuziva honzeri yedambudziko ravo semhuri. Takanamata pamba pavo ndokuvatsanangurira kuri kubva dambudziko ravo. Ndakatanga basa rangu apo ndakange ndiri panzendichivaudza bedzi zvekuita.

“Ndakati baba vemusha uyu vabude kunze kwemba, vafambe nhano nhatu vobva vamira. Ndakavati vachere pavainge vakamira, ivo ndokuchera kudzika chidimbu chemita vachibva vawana paine bhodhoro rakanyorwa zita rekuti ‘Mike’ nemamwe mazita maviri asingaverengeke.

“Mike mwana wemudzimai wechipiri (waBande) uyo akashaika. Mubhodhoro iyi maiva nemushonga netsono,” anodaro Madzibaba Rwenga.

Anoti akaudza vabatsiri vake kuti vasanganise hupfu nemvura izvo akatora akanatira akazvozvimwaya pachivanze chemusha uyu chose.

“Hapana kutora nguva yakareba apo vabatsiri vangu nevemhuri yekwaBande avo vakange vari mumba vakandishevedza vachiti ndinovabatsira. Ndakaudza vanhu vaivepo kuti vandiseche, vaone kana pane zvandaiva ndakaviga.

“Ndakabvisa gemenzi rangu ndokunanga mumba kunobata nyoka idzi. Imwe yacho yakandiruma kaviri kunze kweruwoko uye ndakatanga kunzwa kupera simba. Ndakazobatsirwa nevamwe vemunharaunda iyi vanopinda chechi yepositori,” anodaro.

Bande anotsinhira kuti akabatsirwa naMadzibaba Rwenga.

“Hapana kupokana kuti munhu waMwari akatibatsira. Mudzimai wangu airwara uye ari kuratidza kuti ave nani, kunyangwe zvazvo ndiri kuda kumboona kwenguva yakati kuti kana zvakatibatsira zvechokwadi,” anodaro Bande.

Mudzimai wake mukuru, Etty Mutandi, uyo ari kuperekedza mukadziny’ina wake – Gladys Zindi, kunoongororwa kupora kwaari kuita uye achimuchengeta – anotsinhirawo kuti ave kunzwa zviri nani zvikuru.

“Handikwanise hangu kutaura kuti nyoka idzi ndedzaaini asi tose tinoziva muridzi wadzo. Ndinongofara kuti (Zindi) ave kunzwa zviri nani kubvira pakachenurwa musha.

“Haaikwanisa kudya sezvo aingorutsa ropa pose paaidya asi iye zvino ave kudya achiratidzawo kusimba,” anodaro. Zindi anotiwo ave kunzwa zviri nani pautano hwake.

“Ndave kunzwa zviri nani iye zvino uye ndinovimba utano hwangu hucharamba huchiita zvakanaka. Handikwanise kutaura zvakawanda nekuti ndichiri kuda kuona kuti ndanyatsopora here,” anodaro.

Mudzimai wechitatu waBande, Sophia Maronge, anoti anozviziva kuti ari kupomerwa kuti ndiye anochengeta nyoka idzi, izvo zvose anoti manyepo.

“Zvakawanda zvakataurwa pamusoro pangu ndichinyeyewa. Ndinoziva kuti vanondifungira kuti ndini ndiri kukonzeresa zvose izvi nekuti ndinoenda kuchechi yeJohane Marange uye ivo vanopinda chechi isiri yepositori. Handina nyoka dzandinadzo zvachose. Handina zvekutaura nekuti zita rangu ratosvibiswa kare,” anodaro

Share This:

Sponsored Links