Uncategorized

Muporofita akamonererwa nenyoka yake…Mumota muine tsapo yemakondomu nemabhurugwa echikadzi matsaru

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Muporofita  akamonererwa nenyoka yake…Mumota muine tsapo yemakondomu nemabhurugwa echikadzi matsaru Mumwe wemaporofita akamoneredzwa nyoka yainzi ndeyake.

Kwayedza

Kingstone Mapupu
VARUME vaviri avo vari kufungirwa kuti muporofita enhema vakazorumwa nechekuchera svondo rino — vakarohwa kunge nyoka yapinda mumba neveruzhinji pakati peguta reHarare apo vanonzi vakaedza kuchinjisa mari yemaUS$ yemanyepo, pavakati vatize nemota yavo ndokubva vaita tsaona, mumota umo ndokuzowanikwa muzere mishonga, makano, makondomu nemabhurugwa echikadzi matsaru, tsvimbo nezinyoka benyu iro mumwe wavo akazomonererwa naro asati vatorwa nemapurisa.

Madzibaba Welly akabata nyoka

Vanhu vakaona izvi nemusi weSvondo vakanakirwa nefirimu remahara apo maporofita aya akawanikwa aine mukweshwa wenyoka yerudzi rwenyamafingu — imwe yenyoka dzine huturu hwakanyanya muZimbabwe.
Hapana ati oziva kuti nyoka iyi vaida kuishandisei uye kuti vakaiwanepi.

Mashura aya akaitika panosangana migwagwa Cameroon Street naAlbion Street pedyo neCopacabana apo mota yemaporofita aya yerudzi rweHonda Fit yakabonderana nedzimwe motokari mbiri pavakange voda kutiza kurohwa neveruzhinji.
Zvimwe zvinonzi zvakawanikwa mumota yemaporofita aya zvinosanganiosira tsapo yaiva izere mabhurugwa echikadzi akambopfekwa, mbiya, zvidhori zvemiti, mishonga, mapanga, matemo, nyanga, magemenzi, machira nemakondomu akashandiswa neasina.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vakaudza Kwayedza neChitatu svondo rino kuti pane nyaya iri kuferefetwa nemapurisa yevarume vaviri avo vakarohwa nechaunga mugakava rekuchinja mari, mumotokari yavo mukazowanikwa zinyoka.

“Tine nyaya yatiri kufeya, yevarume vaviri vechechi yeJohane Masowe yeChishanu — Walter Machipisa nemunin’ina wake Washington Machipisa — avo vakarohwa muHarare. Mumotokari yavo makazowanikwa nyoka, inova nyaya yatiri kuferefeta takatarisana nemutemo weWildlife Act kuti tizive kuti ndeyaani.

“Asi pari zvino nyaya yakanangana nevaviri ava nekuti ndivo varidzi vemotokari yakawanikwa nyoka iyi. Vakomana ava vari kutiwo motokari yavo yakakuvadzwa, ikabiwa zvimwe zvinhu apo vakarohwa,” vanodaro Asst Insp Chazovachii.
Kuti nyaya iyi izoputika, maporofita aya anonzi akasvika panzvimbo iyi vachiti vaida kuchinjisa US$800 kuti vapihwe maBond notes nemumwe wevanhu vanochinja mari mumigwagwa.

Zvisinei, vaviri ava vanonzi vakazoonekwa kuti vaida kuchinja mari yemanyepo apo vakapa mumwe wevakomana vanochinja mari U$500 yemanyepo — zvidhiura — ndokuzotanga kusanduka vachiti vainge vamupa U$800 chaiyo.
Mukoma nemunin’ina ava vainge vopa mhosva vakomana vanochinja mari vachivati vaiva vavachinjira mari yavo kwayo, vachiisa yemanyepo.

Mukuedza kutiza vachida kushandisa motokari yavo apo vakange vave kurwiswa nevanhu, maporofita aya vanonzi vakabva vakabondera pamota mbiri — kombi neimwewo motokari.

Izvi zvakazoita kuti vanhu vatange kusecha motokari yevarume ava panova ndipo pakazowanikwa nyoka nezvimwe zvinhu zvinosanganisira mabhodhoro emishonga negumbo rechimhuka.
Mota iyi yakazobheutswa neveruzhinji apo vaiti vaida kuipisa.

Mumwe wevaiva pachaunga chevanhu vakaona izvi, Irene Timothy (42), anoti maporofita aya akasvika kuma2 dzemasikati nemusi uyu vachida kuchinjisa “mari” yavo kuti vapihwe maBond notes.
“Varume vaviri ava vakauya vachida kuchinja mari vachiti vaiva neUS$500, iyo yakazoonekwa kuti yaiva yemanyepo. Vakataurirana nemumwe anochinja mari pano anonzi Pellias ndokuwirirana reti (rate) yacho.

“Pakuda kuchipanana mari iya, zvakazoonekwa kuti yaiva yemanyepo. Ndipo pavakada kutiza asi motokari yavo ichibva yadhumira pane dzimwe mota.
“Vanhu vakazosecha mota yavo ndokuwana mubhuti muine magemenzi ane muchinjikwa wegreen, tsvimbo, nyanga, mabhurugwa echikadzi, chigumbo chemhuka, mapiritsi, makondomu akashandiswa neasina, chimusoro chemhuka nenyoka mhenyu yaiva muchisaga,” anodaro Timothy.

Vashandi vemuzvitoro nemakambani pamwe chete nevamwe vanhu vaizvifambira muguta vakambosiya zvavaiita vachiona bhaisikopo repachena iri apo maporofita aya akatanga kurohwa nechaunga.

Mudzimai uyu anoti pakazodarikawo nemumwe0 muporofita akangozviti Madzibaba Welly, uyo akazotora tsvimbo yechiporofita yaiva mumota iyi, ndokuishandisa kurova nyoka iyi kusvikira yafa.
“Madzibaba uyu akauraya nyoka iyi aona kuti vamwe vanhu vaiitya.

“Yafa kudaro nyoka iyi, vanhu vakaitora ndokuimonerera muhuro nepachipfuva chemumwe wemaporofita aya uyo ainge zvino ati rapata mumugwagwa mushure mekuzvambaradzwa kurohwa. Vanhu vaimuti amonerwe nenyoka yake iyo akamonerwa nayo arere pasi uku achirohwa.

“Uyu Madzibaba Welly akazongoenda nerwendo rwake,” anodaro Timothy.
“Mumwe murume aivapo anoti maporofita ekuedza kuchinja mari yemanyepo ava anovaziva vachinamatira kuGlen Norah, uko anoti vane nyoka inobvisa vanhukadzi zvipfeko zvavo zvemukati ichizovayamwa nhengo dzakavandika. Anoti izvi zvakamboitika iye aripo apo madzimai vaienda kuchimbuzi uko vainoshamisika kuona vasisina zvipfeko zvemukati,” anodaro.
Pellias Muswapi (35) anoitawo basa rekuchinja mari panzvimbo iyi. Anoti maporofita aya akasvikira kune mumwe wavo anonzi Steward vachimuti vaida kuchinja U$800.

“Steward akauya achiti kwaita makasitoma aida kuchinja U$800 vachida maBond notes ndichibva ndaverenga $1 116 maBond iyo yaifambirana neU$800. Ndakazoona Steward ave kuuya apihwa US$500 feki achiti imwe aizopihwa. Akanditambidza asi ndakabva ndazviona kuti yaiva yekunyepa ndokubva ndamudzosera ndichiti tione vanhu vacho,” anodaro Muswapi.

Anoti pakadzokera Steward vari vose vachida kunovabvunza nekuda kwemari yemanyepo iyi, maporofita ava vakabva vatanga kutiza vachiti vainge vapa mukomana uyu US$800 chaiyo.

“Vakamhanyira mumota yavo apo vakazoita tsaona nekombi neimwe motokari. Vanhu vakazovhura bhuti remota yavo umo makawanikwa imwe mari yemanyepo nemagemenzi nezvimwe. Pane mashoko anoti nyoka yakabuda mumota mangu kana mevamwe vanochinja mari asi uku kunyepa,” anodaro.

Muswapi anoti vanhu ava vakazorohwa pakawanikwa nyoka iyi nezvimwe zvinhu.
“Hatizive kuti maporofita aya anoita zvemishonga yechivanhu here vachishandisa nyoka nehari kana kuti matsotsi. Vanhu ava vakazosungwa vakaendwa navo nemapurisa apo mota yavo yaida kupiswa neveruzhinji,” anodaro Muswapi.

Tsvimbo yaiva mumota iyi inonzi yaiva negirazi rinofungidzirwa kuti rinoshandiswa pachiporofita kana kuti pakubira vanhu.
Rodgers Dzikamunhenga (24), uyo ane motokari yake yeHonda Fit yakabonderwa nemota yevarume ava, anoti akazongoudzwa nevamwe kuti mota yake yakuvadzwa nevanhu vanga vachida kutiza.

“Ndakazobuda ndikawana mota yangu yangobvisika pendi asi kombi ndiyo yakapwanyika magirazi uye ini zvangu handina kumboenda kumapurisa,” anodaro Dzikamunhenga.

Nyoka yaiva yauraiwa inonzi yakazotorwa nevakomana vanogara mumigwagwa (street kids) avo vakaenda nayo kusina anoziva.
Fadzie Nyamutaka (35) anotiwo akazosvika nyaya iyi yaitika, vaviri ava vatoenda nemapurisa.
“Ndakazongonzwa zvose zvakaitika asi nyaya yave kufambiswa yekuti murume anochinja mari ndiye ane mota yakabuda nyoka kubhuti kunyepa, inyoka yemaporofita aida kuchinja mari yemanyepo aya,” anodaro Nyamutaka. “Nyaya inotyisa ndeyekuti maporofita aya akawanikwa aine zvipfeko zvechikadzi, hatichaziva pamwe vanofamba nenyoka dzavo dzichingobvisa  vanhukadzi mabhurugwa vachiitwa madzimai nenyoka idzodzi,” anodaro.

Lloyd Panganayi anove mushandi muchitoro chinotengesa zvekudya panzvimbo iyi anoti pavakasvika apa, vakawana nyoka iyi ichifamba mutara.

Zvichakadai, mukuru wesangano reZimbabwe National Practictioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti hakuna muporofita kana n’anga yechokwadi inofamba nenyoka. “Mapurisa ngavaite basa ravo, vanhu ava matsotsi anokanda nyoka mumisha yevanhu vovabhadharisa mazimari nemombe. Kana kuti maporofita anoshandisa simba rehuroyi,” vanvanodaro Sekuru Chisanyu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>