Uncategorized

‘Muporofita akandipa chingochani, nekubobodza’

20 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
‘Muporofita akandipa  chingochani, nekubobodza’

Kwayedza

MUDZIDZISI ari zvakere muzvinabhizimisi wekuBulawayo — nyakunwiswa muteuro nemuporofita achinzi asiye zvechipfambi nekumusimbisa pabasa — anoti apinzwa “busy” sezvo ava shasha pakubobodza vanhukadzi nekuita chingochani kuvanhurume.

Murume uyu anoti izvi zvakangotanga mushure mekunge ashandirwa nemumwe muporofita wechidzimai.

Khumbulani Mpofu (37) haasi kunyara kubuda pachena kuti akatanga kuita zvekubobodza vakadzi zvose nekuita chingochani kuvarume vasingazive apo akamanikidzwa nemudzimai wake kuenda kumumwe muporofita wekuBulawayo uko akanonwiswa mvura yemuteuro yaiva neruvara rwe”purple”.

“Mudzimai wangu aifungidzira kuti ndaiita zvechipfambi apo akandimanikidza kuenda kumuporofita uyu. Ikoko ndakanonzi ndinwe mvura yemuteuro yaiva muchigubhu chemarita maviri izvo ndakaita, ipapo ndikatanga kutadza kudya muviri wangu uchiperezeka. Izvi zvakaitika gore rapera,” anodaro.

Anoti muporofita uyu akavaudza kuti mvura iyi inosimbisa vanhurume.

Mpofu — uyo kunze kwekuva mudzidzisi, ane bhizinesi rezvicherwa — anoti akazopihwa mwana wekushanda naye nemuporofita uyu apo akazonzi atenge jira rekuti basa rake rifambe nekuzvidzivirira uyewo kuzvisimbisa mubasa izvo akaita.

“Ndichingopedza izvozvo, ndakatanga kurota ndichida kurumwa nenyoka ine mutumbi wembeva, nekuyamwiwa negarwe. Izvi ndakazvitaurira muporofita uyu akanditi kwaitova kusimba kwebasa rangu.

“Kubva ipapo, ndakatanga kuita mubobobo kuvakadzi apo ndaisazviziva. Vamwe vasikana vakatangawo kutaura nemadimikira vachinditi ‘Stealer’, kureva kuba bonde,” anodaro Mpofu.

Anoti panguva yaanotaura nevanasikana, anozongoona vasisazive zvavari, voita sevadhakwa.

“Kana vari vakomana kana varume vakuru, uya wandisingafarire ndiye wandinoita chingochani naye asingazive. Anongotanga kuita seanonzwa dzungu — zvatopera.

“Asi kune mamwe madzimai, kana dai maticha, vanotouya pandiri vachindimhoresa ndichivabobodza,” anodaro Mpofu.

Murume uyu anoti anoitawo zvimwe chetezvo kumuporofita wekumupa muteuro pamwe chete nekuvana vake.

Mpofu anoti kana zvake zvamubata, anotanga nekushama nyai achiita seanonzwa dzungu.

“Amai muporofita ava vanotova nemamwe madzimai avanotuma kwandiri ndichiita mubobobo navo vasingazive. Pandinofamba, ndikaona ndave kushama-shama, ndobva ndaziva kuti zvave kutanga.

“Ini handizvide, ndiri kudawo kubatsirwa kuti zvipere.”

Mpofi anoti paanoita izvi, kana akagara haakwanise kusimuka.

“Mudzimai wangu akatombotiza nekuda kwenyaya iyi nekuti handichadya zvaanobika, ndinorutsa uyewo imo mumba handisisina simba. Pakutenga zvinhu zvedu, ringava girosari nezvimwe, ndine izwi rinondiudza kuti tenga zvakati uyewo husiku ndinorara ndichishanda mabasa makuru zvinoita kuti ndifume ndakaneta,” anodaro.

Murume uyu anoti ziso rake rekuruboshwe rikapfura apo anenge ane zvaari kuda kuita, anobva arega nekuti rinomutsiura kuziva kuti pane zvakaipa zvinogona kuitika kwaari.

Sekuru Katerera

“Nemotokari yangu chaiyo ndinotaurirwa kuti takura vanhu kana kuti rega, ndikangotakura zvemusoro wangu, motokari inofa.” Mpofu anoti muporofita wekumupa muteuro akamuti zvakare atenge bhengoro recopper, izvo akaita. Paakatanga kuripfeka, akashamiswa kuona achitizwa nembwa nekatsi — pamwe pacho zvichitochema.

“Katsi kana imbwa ikadarika nekumberi kwangu, ndinoziva kuti kumberi kune matambudziko,” anodaro Mpofu.

Kana dai Mpofu achiti haadi zviri kuitika kwaari izvi, dambudziko rake nderekuti haakwanise kurega kuenda kumba kwemuporofita wekumupa muteuro.

“Ndinozongoona ndaveko. Amai ava vanotyisa, handikwanise kuvataurira kuti vakandipa muteuro wemushonga. Apa bhizinesi rangu harisi kufamba.

“Chinoshamisa ndechekuti ndikasvika pedyo naamai ava, mudumbu mavo munorira zvinotonzwikwa uye ndinobva ndatoziva kuti vave kutondishandisa,” anodaro.

Vanoda kubatsira Mpofu vanokwanisa kuchaya nhare dzinoti 0714 134 839.

Votaura pamusoro pezviri kuitika kumurume uyu, nyanzvi mune zvechivanhu, Sekuru Bonface Katerere, vanoti Mpofu haana mubobobo, asi kuti akaiswa zvidhoma izvo zvinoita kuti muporofita uyu aite mari.

Vanoti zvidhoma izvi ndizvo zvinoshinha nevanhu iye ofunga kuti ndiye.

“Uyu mweya wezvidhoma nezvikwambo unopfeka paari asingazvione. Kune ari kutoita mari naye,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links