Uncategorized

Muporofita chidhakwa akatsva zvekuita dota

13 Jul, 2018 - 00:07 0 Views
Muporofita chidhakwa  akatsva zvekuita dota

Kwayedza

. . . zvekusara aita dota

MUPOROFITA wekuEpworth, muHarare — uyo anonzi anga ari shasha yekuridza mbira achinwa doro remusombodhiya – anonzi akatsva zvekuita dota mushure mekunge imba yaaiva yabatira moto.

Mumba makatsvira muporofita uyu manga makachengeterwa mbatya nenhumbi dzemuridzi wemba, uyo akafa kare.

Baba vemuporofita wekutsvira mumba uyu — avowo vanova muporofita — vanotsinhira kuti mwanakomana wavo anga achiita zvose — kuporofita, kuridza mbira nekuraradza nedoro remusombodhiya.

Madzibaba Munyaradzi Chironzvi (23) weJohane Masowe Nguwo Tsvuku yeNyenyedzi Nomwe uyo anga achigara kuWard 6 kuOverspill anonzi akafa nekutsira mumba yaanga achichengeta.

Muridzi wemba iyi anonzi aigara kuGlen Norah, muHarare, asi ava mushakabvu.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Assistant Inspector Simon Chazovachii, vanotsinhira nezvekufa kwemuporofiya uyu.

“Tine nyaya yemurume wechidiki wekuEpworth akafa mushure mekunge imba yaaiva yatsva. Mapurisa edu ari kuferefeta nyaya iyi,” vanodaro.

Imba yaichengetwa naMadzibaba Munyaradzi inonzi yakabatira moto pakati pehusiku apo muporofita uyu aive oga ndokuzongowanikwa mutumbi wake wapera kutsva. Muvakidzani waMadzibaba Munyaradzi anonzi ndiye akaona imba apo yakabatira moto vanhu ndokukundikana kuidzimura kusvikira mutumbi wemurume uyu wakazowanikwa rangova dota.

Madzibaba Japhet Chironzvi (45), avo vanova baba vemushakabvu, vanoti mwanakomana wavo — uyo anga ari dangwe — aigara oga pamba apa.

Madzibaba Japhet Chironzvi

Murume uyu uyo anovewo muporofita muchechi yeJohane Masowe weChishanu pasowe reNyatsime, kuEpworth, anoti mwana wake ange achengeta imba iyi kwemakore anodarika manonwe.

Madzibaba Japhet vanogara kuimba yavo iri munzvimbo imwe chete iyi uye vanoti ndivo vakasiirwa kuti vachengete imba iyi nemuridzi wayo, uyo akazoshaika.

Vanoti vakazosiirawo mwanakomana wavo uyu kuti agarepo.

Imwe yedzimba dzemakatsvira muporofita uyu inochengeterwa mbatya nedzimwe nhumbi dzemuridzi wemba uyo akashaya kare.

“Mwana wangu anga ava nemwedzi mitatu asiyana nemudzimai uyo aiva nemwana mumwe chete naye. Vhiki rapera paseri kuma11 husiku, ndakamutswa nemuvakidzani wepamba paaichengeta apa anonzi VaDenga akanditi imba yemwana wangu yaibvira moto. Takaenda tikawana mipanda yedzimba mbiri ichibvira, kusanganisira muimba yekutandarira nemaiva nembatya dzemuridzi wemba, asi kwairara mwana wangu kwaisava nemoto,” vanodaro.

Magemenzi akatsva

Madzibaba Japhet vanoti vakaedza kushevedza mwanakomana wavo uyu asi hapana akadavira.

Vanoti vakazopwanya gonhi nekunze iro raiva rakakiiwa nemukati asi havana kumuona. Pavakazopaza imba nepadivi rekumba kwaairara, uko kwaisabvira moto, ndipo pavakaburitsa mubhedha newodhiropu asi iye havana kumuona.

“Takavheneka mumba makatangira moto, inova yekutandarira, tikawana asimo zvakare. Takazotakura mubhedha newodhiropu tichiti dzimwe nguva maisava nemunhu ndokuenda nazvo kumba kwangu.

“Asi moyo wangu wakaramba kuti ndirare ndisina kuona mwana wangu apo ndakazomutsa mumwe anonzi Partson Macheso ndokudzokera. Takasvikowana imba yaigara midziyo yemufi yapera kubvira, ndokutarisa tikaona chinhu chaiita sefoam rubber. Ndiye aitova mwana wangu, ainge atopera kutsva,” vanodaro madzibaba ava.

“Takazoshevedza Denga uyo aiva adzokera kumba kwake kuti mwana taiva tamuwana apo aiva apera kutsva. Ndipo pandakazonoudza mudzimai wangu, Easther Chipfunde (32).”

Easther Chipfunde

Vamwe vevanhu vavanoti vakanozivisa vanosanganisa sahwira wemwanakomana wavo, Alfredy Samuel Mukanya, nakanzura wenzvimnbo iyi, Asmon Shadaya.

Njodzi iyi yakazomhan’arwa pakamba yemapurisa yekuDomboramwari, ikoko kuEpworth.

Madzibaba Japhet vanoti mwanakomana wavo anga ari muporofita ane mbiri kunyangwe zvazvo vachiti airidza mbira achinwawo doro remhando yemusombodhiya.

Izvi, vanodaro, zvaisamutadzisa kuita basa rake rekubatsira vanhu sezvo chechi yake ichibvumidza kunwa doro.

“Ndiri kunetsekana nenyaya iyi, handizive chaizvo zvakaitika asi ndinongoti akafa nekutsva.

Pakadhiritswa

“Kana pane akazviitawo kuuraya mwana wangu sembwa kudai, ndinoti Mwari nevadzimu ndivo vachatarisana naye. Kana pane zvakaitika ndinoda kuti zvibude pachena.”

Zvimwe zvinhu zvakatsvira mumba umu zvinosanganisira kitchen unit, firiji, fenicha nemagemenzi.

Mai Chipfunde — avo vaove amainini vaMadzibaba Munyaradzi — vanotiwo vane fungidziro yekuti imba yaiva nemwana wavo yakazopiswa iye afa kare.

 

Share This:

Sponsored Links