Muporofita ndiye akakonzeresa

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja

MUMWE mukadzi anonzi akazoziva kuti murume wake ane shamwarikadzi yaari kudanana nayo mushure mekuudzwa nemuporofita izvo zvakaita kuti atange kuishungurudza kuburikidza nekuitukirira pose pavanosangana.Judy Garaba akamhan’angarira Grace Marimo kuHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu.

“Changamire, madzimai ava vakauya kubasa kwangu kwandinotengesa patuck-shop vachindipopotera kuti ndinodanana nemurume wavo. Izvi vakati vakanga vaudzwa nemuporofita wavo kuchechi kwavo uyo akabva abvunza murume wavo achibva abvuma kuti akanga achidanana neni. Vakazodzoka vachiti vanoda kukumbira ruregerero kuti hazvisizvo vakazoratidzwa nemurume wavo mumwewo mukadzi.

“Pedzezvo, amai ava vakaramba vachidzoka vachiti vakanga vabata chokwadi vega, kuti ini ndinodanana nemurume wavo vakatanga kunditukirira munzira ndikashaya pekutarisa.

“Saka ndinokumbira kuti dare rivadzivise kuuya kubasa kwangu vachindituka uye kana zvichibvira riite kuti vandiudze pavave kugara nekuti handichapazive vakatama,” akadaro Garaba.

Marimo akabvuma zvakataurwa naGaraba.

“Ishe wangu, handipokane nezvataurwa nemukadzi uyu. Ichokwadi kuti ndakatanga ndichafungidzira kupedzesera ndazozvionera kuti aifambidzana nemurume wangu. Ndakaenda kubasa kwavo ndichida kubvunza kuti vakanga vachimborambirei ivo vachiziva kuti chakanga chiri chokwadi.

“Pamusoro pazvo, vakandituka amai ava, vane pamuromo pasinganyari kutuka kana zvinyadzi. Vakanditi ndiri kareject uye ndiri kadzvinyu kasingakure saka ndakabva ndaona kuti zvine hungwaru kuti ini nemurume wangu tibve tinogara kumwe kwavasingazive. ‘‘

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa gwaro rerunyararo kuna Garaba ndokutiwo Marimo anokwanisa kuzouya kudare kuzoisa chikumbiro chake kana ari kushungurudzwa.

Share This:

Sponsored Links