Uncategorized

Muporofita onzi ndiye akakonzeresa rufu

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

PANE muporofita wechikadzi akasungwa nemapurisa ekwaMurambinda, kuBuhera, achipomerwa mhosva yekukonzera rufu rwemwana uyo akafa apo aimubvisa karimbo.
Izvi zvakaitika kudzimba dzerukisheni rweMutiweshiri, paMurambinda growth point nemusi wa1 Gunyana gore rino.

Cynthia Denhe (30), anova muporofita wechechi yeRutendo rwaJehovha, anonzi akaunzirwa mwana wemakore matatu okuberekwa nevabereki vake kuti amucheke karimbo. Mukadzi uyu akaita izvi achishandisa reza asi akazogumisira akuvadza mwana uyu parurimi.

Mwana uyu, mushakabvu Blessing Muderedzi, anonzi akabuda ropa rakawandisa apo akapedza nguva ingaita maawa mashanu achingobuda ropa pashure ndokuzoedza kumuendesa kuchipatara cheMurambinda uko anonzi akafa asati atanga kubatsirwa.

Pane fungidziro yekuti mwana uyu anogona kunge akasvikwa naye kuchipatara uku afa kare sezvo mapurisa achiri kuferefeta nyaya iyi.

Amai vemwana uyu, Sekai Magaragada (34), avo vanova muvakidzani waDenhe, vanonzi ndivo vakawirirana nemuporofita uyu kuti abvise mwana uyu karimbo ako kainzi kaimutadzisa kudya zvakanaka pamwe chete nekutadza kunyatsotaura.

Denhe anonzi anogarobatsira vana vane matambudziko ekarimbo achivacheka.
Pakadhindwa bepanhau rino, Denhe aive akachengetedzwa muchizarira achimirira kupinda mudare redzimhosva reRusape Magistrate Court. Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, vakatsinhira nyaya iyi, ndokuyambira veruzhinji kuti kana vasangana nematambudziko evana vanonzi vane karimbo kana zvimwe zvirwere, vanosungirwa kuenda navo kuchipatara pane kuenda kumaporofita kana kun’anga.

Share This:

Sponsored Links