Muporofita opika makore 18 ekubhinya kamwana

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Muporofita opika  makore 18  ekubhinya kamwana

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
MUPOROFITA wekuChitungwiza akatongerwa kugara mujeri kwemakore 18 mushure mekubatwa nemhosva yekubhinya kasikana kane makore 15 okuberekwa panguva iyo “aikanamatira”.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrate’s Courts Blessing Murwisi akabvisira Samson Kofi (30) — uyo anozivikanwa nezita rekuti Madzibaba Groshby — wepanhamba 2747 Unit C makore maviri pachirango ichi paine chitsiidzo chekuti haapare imwezve mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Madzibaba Groshby ange achitongwa ari muchizarira mushure mekubatwa neimwe mhosva yekubira mutendi wemuchechi yake nharembozha iyo yaakazoshandisa kubira vamwe vanhu mari.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa1 Mbudzi gore rino munguva dzemanheru, kasikana aka kaive pasowe raMadzibaba Groshby pamwe nevamwe vanamati.

Mumwe wevanamati ava, Christine Hungwa, akabva akumbira kasikana aka kuti kamuperekedze kurwizi rwaNyatsime kuti vanoita zviga zveminamato. Mushure mekuita zviga izvi, vakabva vaenda kumba kwaHungwa kunoita mimwe minamato yavainge vaudzwa naMadzibaba Groshby.

Madzibaba Groshby akazotevera kumba uku akanamata kwekanguva kadiki achibva ataurira Hungwa nemumwe murume aivepo kuti vadzokere kurwizi rwaNyatsime kunotora tsanga dzeminamato.

Pavakaenda, Madzibaba Groshby akasara nemwana uyu muimba yainge isina chiyedza. Akamuti avhare musuwo izvo akaita uye mushure mazvo ndokuti aswedere paaive ari pamwe nekubata jira rake raive neruvara rwemeroon izvo mwana uyu akaita.

Muchuchisi Koropi anoti Madzibaba Groshby akaudza mwana uyu kuti amutambidze rimwe jira rake jena uye pakutambira jira iri akabva ashandisa chisimba mukumusunda achibva adonha negotsi.

Akamuvhara muromo neruwoko rwake ndokumubata chibharo kamwe chete pasina kushandisa dziviriro. Mwana uyu akaedza kuridza mhere asi hapana amakunzwa sezvo Madzibaba Groshby akaramba akamuvhara muromo zvakasimba achimutyisidzira nerufu kana achinge angoita ruzha.

Mushure mezvo, Madzibaba Groshby akazotiza achisiya mwana uyu mumba umu. Mwana uyu akazonotaurira muvakidzani wepamba apa, mhosva iyi ichibva yamhan’ara kumapurisa. Magwaro ekwachiremba akavheneka mwana uyu anoratidza kuti akabatwa chibharo.

Mwana uyu akakuvara chigunwe chekutsoka apo anonzi aiedza kutiza muporofita uyu. Pakumira kwaakaita mudare, Madzibaba Groshby airamba mhosva yake asi akakonwa nedare nekuda kweumboo hwakapihwa.

Share This:

Sponsored Links