Uncategorized

Muporofita tasa mugomo rinoyera

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views
Muporofita tasa mugomo rinoyera Mambo Zimunya

Kwayedza

Mambo Zimunya

Mambo Zimunya

MUPOSITORI wekunzi akakwira mugomo rinoyera kwaZimunya, mudunhu reMutare, kuManicaland nguva yadarika achida kutora masimba emidzimu yemo kuti aashandise pachinamato chake anonzi akazofira pamusoro pegomo iri.

Mupositori uyu anonzi aiva abva kuChiweshe, kuMashonaland Central, apo akanokwira mugomo reSheni umo munovigwa madzimambo ekwaZimunya nekuitirwa chivanhu cheko.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi (54), vakatsinhira nyaya iyi vachiti veruzhinji vanofanira kuremekedza nzvimbo dzinoera.

“Isu kuno tine nzvimbo dzinoyera zvikuru dzatinopira midzimu yedu zvose nemashavi. Muporofita uyu akabva kuChiweshe achishanda pamwe chete nemamwe mapositori emuno. Akazokwira gomo ratinoviga madzimambo edu kuno, reSheni, ndokuzowanikwa akafa zvisina kuzivikanwa kuti akafa sei.

“Isu tinongoti akasangana nemadzitateguru edu vakapedzerana naye, iye nyakufa ndiye anoziva zvaakasangana nazvo,” vakadaro.

Mumwewo mupositori anonzi akaita mazuva achingotenderera mugomo iri achitadza kuburuka mushure mekukwiramo achida kunamata.

“Saka uyu mucherechedzo mukuru wekuti isu kuno hatidi kuti nzvimbo dzedu dzinoyera mapositori vapindemo. Tine rimwe gomo zvakare rinoyera rinonzi Chinyauhwera nemamwe akawanda, vakaita misakanzwa vanosangana nazvo sezvakaita uyu,” vakadaro Mambo Zimunya.

Vanoti mamwe makomo avo anoyera ane zvikara zvakaita seshumba nembada dzemidzimu uye kana pane zvinenge zvakanganiswa mudunhu iri, mhuka idzi dzinoguma dzave kubata zvipfuyo kana kurwisa vanhu.

Mambo Zimunya vanoti chimwe chivanhu chavanoremekedza izuva rechisi, rinova Chishanu choga-choga.

“Musi uyu hakupindwe mumunda kunze kwekushanda mumapindu uye anotyora mutemo uyu chete tinomuripisa mbudzi. Pamusoro pezvo kana zvirimwa zvikaibva mumunda, munhu anofanirwa kunosuma kuna mambo kuti ave kutanga kudya. Izvi zvinoitwa kuburikidza nekutemha ingava miguri yechibage kana manhanga pazvinotanga kuibva, zvotanga kudyiwa namambo,” vakadaro Mambo Zimunya.

Kunze kweizvi, kana vanhu vachifusha miriwo nezvimwe zvekudya, vanotanga vasumira kuna mambo.

“Vanhu vanotyora mitemo iyi vanogona kudyirwa minda yavo nenguruve dzemusango dzichisiya yevamwe.”

Mambo Zimunya vanoti kunyangwe munhu achinamata chechi ipi anofanirwa kuremekedza chivanhu nekuti ndipo pane hunhu hwake.

“Masadunhu angu ose matanhatu anoti Nyakunu, Muradzikwa, Chigodora, Nyamana, Munyoro naMusabayana uyewo nemasabhuku angu 276 vanondibatsira kuti titevedze chivanhu chedu zvizere muno, ndinovimba navo,” vakadaro.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Enock Chishiri, pavakabvunzwa nezvenyaya yemupositori anonzi akafira mugomo rinoyera reSheni vakati vanoda nguva yekumbotsvagurudza kuti nyaya iyi yakafamba sei.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey