mupositori akanwisa vana vake ‘poison’

31 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
mupositori akanwisa vana vake ‘poison’ Disney Marimo achiratidza maoko anonzi akapiswa nababa vake nenhombo. — Mifananidzo naNicholas Bakili.

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOSITORI weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku Nyenyedzi Nomwe wekwaChinhamora, kuDomboshava, ari kunzi akadya magaka mambishi apo mwana wake akatambisa muteuro wake wenhombo yaigara yakaiswa muchoto zvikaita kuti apise mwana uyu mumawoko nekuisira vamwe vana vake vatatu muchetura muchinwiwa.

Hazvina kuperera ipapo madzibaba uyu akazopedzera shungu paimbwa dzake mbiri idzo akatema nedemo dzikafa.

Vana ava vanonzi vakazonoponera kuchipatara cheMakumbe Mission Hospital uko vakaita mazuva vachirapwa.

Zvakabuda pachena kuchipatara uku kuti vana ava vakadya muchetura.

Madzibaba Jethro Enock Marimo (38), uyo akatosungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi, anonzi ane mhiko dzaange akapihwa nemaporofita ekuchechi kwake kusowe rePrangadai kana kuti Esinayi dzekuti anogarisa dombo kana kuti nhombo muchoto nguva dzose.

Nhombo iyi yaibviswa muchoto bedzi panobviswa dota, asi ichidzoserwa pose panokuhwidzwa mumwe moto.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMashonaland East, Inspector Tendai Mwanza, vanotsinhira nezvenyaya iyi.

Insp Mwanza

“Tinayo nyaya yemurume anonzi Jethro Enock Marimo, uyo ari kunzi akapisa mwana wake nedombo senzira yekumuranga kuti ainge apwanya nhombo yemuteuro wake. Mwana uyu akatsva mawoko,uye murume uyu zvakare ari kupomerwa mhosva yekuisira vana vake muchetura muchinwiwa vakarwara.

“Anonziwo akazouraya imbwa dzake nekuda kwenyaya yekuti akanga apwanyirwa dombo remuteuro wake, iye akazonozvipira oga kumapurisa edu kuShowground (kuDomboshava) uko akasungwa. Nyaya iyi iri kuferefetwa apo iye akachengetedzwa nemapurisa uye anotarisirwa kupinda mudare redzimhosva munguva pfupi iri kutevera,” vanodaro Insp Mwanza.

Karen Sekerere (36) uyo anova mudzimai waMadzibaba Jethro anotsinhira kuti murume wake akapisa mwana wavo mawoko achishandisa nhombo yainge yakatsvuka moto iyo akabura muchoto uyewo nekuti akauraya imbwa dzake mbiri nehasha apo akadzitema nedemo nekurova netsvimbo. Mushure akazopa vana chinwiwa chaainge aisa muchetura.

Karen Sekerere

“Ichokwadi, murume wangu ndakamuwana apisa mwana wedu ane makore 9 okuberekwa mawoko nedombo iro akabura richipisa muchoto.

“Dombo iri akaribura muchoto nechimuti, ndokuti mwana aribate nezvanza zvake. Mwana akasvapuka akaita matuzu mumawoko ndikanomurapisa kukiriniki yekwaNyaure. Pamusoro pezvo, baba vakazopa vana chinwiwa chinofungidzirwa kuti chaiva nemuchetura apo vana vakarwara zvikuru ndikaenda navo zvakare kuchipatara chekwaMakumbe.

“Musi wakapihwa vana ava muchetura nekupiswa kwemumwe wavo, uye kuzouraiwa kwembwa mbiri imwe chete ikatiza, ini ndainge ndaenda kurufu,” anodaro mudzimai uyu.

“Baba vane muteuro wavakapihwa kuchechi kwavo wenhombo uyo wainzi unofanirwa kugara uri muchoto nguva dzose. Waibviswa bedzi panobviswa dota.

“Zvino mwana wedu Disney Marimo (9) ndiye akabvisa dota musi uyu, ndokuisa nhombo iyi parutivi iyo akatanga kutambisa ichibva yazotsemuka kuita zvimedu zvitatu,” anodaro Sekerere.

Nekutya, mwana uyu anonzi akazotora nhombo iyi ndokuiviga kuseri kwegonhi achibva atora imwewo hurungudo yaikwenenzvereswa hari naamai vake, iyo akaisa muchoto sekutsiva yemhiko dzababa vake yaakapwanya.

“Baba vauya kubva kuchechi kwavo, vanonzi vakangosvika vachibvunza nhombo yavo yemuteuro, iyo yaigara muchoto vachiti yainge yaendepi zvakashamisa kuti vaiva vazviziva sei. Zvadaro, vakazovhundutsira mwana uyu akabvuma kuti ndiye ainge aipwanya ndokuvaratidza yaakange atsiva nayo iri muchoto. Vakamanikidza mwana kuitora muchoto nemawoko apo aitsva ivo vachimufosekedza bedzi zvisinei nekuti mwana aichema,” anodaro.

Sekerere anoti paakadzoka kurufu, akasvikonzwa nyaya iyi, ndokuzoenda nemwana uyu kukiriniki rava rechimangwana racho uko akanorapwa maronda nemaziduzu aiva mumawoko ose.

“Husiku hwacho hwaitevera, baba vakatora vana vachiti vaida kuenda kwaambuya kunosiya huku vaine vana vose vatatu vanoti Talon (13), iye wekutsva Disney (9) nekadiki Rathro (6). Vanonzi vari mumugwagwa vakaburitsa chinwiwa chaiva mubhegi ravo vachibva vapa vana.

Talon Marimo

“Pavakazodzoka, vana vakasvika kuno kumba vave kurutsa nekuita manyoka vakandiudza kuti vapihwa dhiringi nababa,” anodaro Sekerere.

Anoti Madzibaba Jethro musi uyu akazongoerekana ave kurova imbwa dzake netsvimbo nekudzitema nedemo apo dzainge dzakasungirirwa dzichibva dzafa.

“Hatizive kuti yakanga ichiri nyaya yemuteuro here kana kuti pakanga pava nezvimwe nekuti pavaiuraya imbwa idzi, dzakachema vanhu vemumusha vakazvinzwa. Panguva yaaponda imbwa dzake, vana vakatangawo kurutsa nekuchaya zvakanyanya ndichibva ndavaendesa kuchipatara.”

Sekerere anoti murume wake haana kubuda pachena kuti akapa vana chinwiwa sezvo aingoti akavapa mhandire chete.

Anoti iye haapinde chechi imwe cheteyo nemurume wake.

“Handizive kuti muteuro waiiswa muchoto uyu waiva wei, vanoti vakaupihwa kuchechi kwavo. Hamheno kuti munamato werudzii unokanganisa vanhu magariro kudai,” anodaro.

VaNhau Marimo (83), vanove baba vaMadzibaba Jethro, vanoti vakashamiswa nezvakaitwa nemwana wavo.

Nhau Marimo

“Ndiye oga mwana wandasara naye pavana vangu 8. Handizive kuti zvino akaenda kujeri ndichaita sei,” vanodaro.

Mudzimai wavo, Mbuya Lucia Marimo (77) vanoti havazive kuti mweya wakabata mwana wavo wakabvepi.

Lucia Marimo

“Vamwe vana vose vakapera kufa, tangosarirwa naiyeyu,” vanodaro.

Madzibaba Joel Matiyenga (40), avo vanova sahwira waMadzibaba Jethro uye vachipinda vose chechi, vanoti mumwe wavo anga orasika pachinamato chavo.

Madzibaba Joel Matiyenga

“Hongu mweya unokutaurira zvichauya, asi handizive kuti miedzo iyi sei Madzibaba Jethro vasina kuziviswa nemweya. Izvozvi vanga vachangobviswa pachigaro chekuva mudare pamasowe, takazonzwa kuti vave kuchengeta imbwa zvisingabvumidzwe kuchechi kwedu. Ndokusaka vazosangana nemiedzo iyi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links