Uncategorized

Mupositori akazovigwa asisina muromo, mhuno

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views
Mupositori akazovigwa asisina muromo, mhuno

Kwayedza

GUVA (1)IMWE mhuri yekwaChirozva, kwaShe Nyashanu kuBuhera, yakasara izere nekushamiswa kukuru apo vakazoviga mutumbi wehama yavo wan’abvurwa-n’abvurwa kudyiwa kumeso kwose nezvinhu zvisina kuonekwa.

Chiitiko chinofungirwa kuti chine chekuita nemabasa ehuroyi ichi chakaitika masikati machena, vanhu vari mubishi kuchema mudikani wavo.

Nyaya iyi inonzi yakaitika munguva pfupi yadarika mubhuku raNhaka apo pakashaika mukadzi wechikuru, Mbuya Beatrice Chari (87), mushure mekurwara kwenguva pfupi.

Mutumbi wechembere iyi unonzi wakazongoonekwa usina muromo, mhuno zvose nemaziso apo vanhu vakanga vave kuda kuugezesa kuti uchinoradzikwa.

Mwanakomana mukuru wemushakabvu, VaSteven Mureri (43), vakaudza Kwayedza kuti:

“Ndiamai vangu vakafa uye ichokwadi kuti takazoviga mutumbi wavo wadyiwa kumeso kwose, usisina mhuno nemuromo pamwe chete nemaziso aiva aboorwa atoputika.

“Pane zvakawanda zvakataurika panyaya iyi kusanganisira zvehuroyi vamwewo vachiti semunhu airwara neBP pamwe ndizvo zvaiva zvakonzera.”

Vanoti izvi zvakaonekwa masikati machena apo mutumbi uyu wakanga woda kugezeswa nemadzisahwira pamwe chete nemadzimbuya.

“Zvakatyisa, chitunha chaamai chakaenda kumakuva mazino ari pachena muromo wose wadyiwa, mhuno pasina uye maziso atokonorwa. Nyaya iyi ndeye kutanga kuitika muno kubva ndichikura, kunyange vakuru vemuno vakadaro,” vakadaro VaMureri.

Vanoti amai vavo, semunhu aipinda chechi yeJohane Marange isingabvumidze kunorapwa kuchipatara, pavakarwara vakaenda navo kunzvimbo inodaidzwa kuti Chitsidzo uko kunobatsirwa vatendi vechechi iyi.

“Amai varwara, ndakavatakura ndikaenda navo kuChitsidzo kwaMukobo ndokunovasiya ikoko. Ini semunhu anotakura vanhu nemotokari yangu, ndakadarikira kwaMurambinda. Ndakazodzoka kumba apo ndakaridzirwa nhare ndichinzi ndidzoke ndakasvikowana vasisataure. Vakabva vashaika ndokutakura mutumbi wavo kuuya nawo kumba wakabatana, usina kudyiwa,” vakadaro.

VaMureri vanoti vakazozivisa vanasekuru vavo vekwaChari, kuHarare, nevamwe vehukama avo vanonzi vakaenda kurufu vakanowana mutumbi wehama yavo wakanaka.

“Bhokisi rekuvigisa mufi rakabva rauya nevamwe sekuru iro vakatenga kuMutiusinazita vachibva vandipa zvakare mari yekutengesa kudya panhamo. Veukama vakatora mutumbi uyu vakaisa mubhokisi mushure mekutanga vauongorora. Pakange pasina kudyiwa kwechiso uku,” vakadaro.

“Mutumbi uyu wakarara mumba neChishanu chavakashaika ndokuongororwa zvakare nevakuru mangwanani eMugovera ukawanikwa wakanaka dakara neSvondo makuseni apo vakuru vakautarisa zvakare.

“Madzimbuya edu maviri anoti mbuya mudzimai wasekuru Cephas Zhanje newasekuru Best Machara vakazoda kuugezesa masikati emusi weSvondo kuti ugadzirirwe kunovigwa apo vakazoshevedza vamwe vehukama kuti vazoona mashura aya. Vakati mutumbi uyu wakanga wadyiwa asi mubhokisi umu maisambova nezvimedu zvenyama zvakawiramo nekudaro hauna kuzogezeswa nekuda kwenyaya iyi,” vakadaro.

Pane vamwe vanoti zvichida mushakabvu akafa aine shungu izvo zvakazokonzera kuti kuitike mashura aya.

“Amai vangu vaiva pachipari, vari ivo vahosi kuchizovawo nevamwe amainini asi baba naamainini ava vakafa kare,” vakadaro.

Mhuri iyi inonzi haina kumbofamba kunobvunzira kuti izive kuti chii chakaitika kumutumbi uyu.

Muroora wemushakabvu, Fina Manyika (23), anoti akashamiswa zvikuru nenyaya yekurumwa kwemutumbi wavamwene vake.

“Isu sevaroora takangozvinzwa zvikatishamisa nekuti ndekekutanga kunzwa zvakadai izvi,” akadaro Fina.

Peter Mureri (24), ari mwana wanyachide mumhuri iyi, akatiwo:

“Ndaivapo panhamo paamaiguru ndikangonzwawo kuti mutumbi wavo wakadyiwa mhuno, muromo nemaziso. Vakuru vaitaura asi ini handina kuzviona, amaiguru vakafa ndiri pano vakavigwa ndiripo.”

Mudzimai wake, Tendai Musarwirana (19), anotiwo vakashamiswa nemashura aya. “Isu hatina zvakawanda zvatakaona kunze kwekungonzwa.”

Zvichakadai, panotova nechimwe chishamiso chakaitika, guva raambuya ava rakatotsemuka izvo zvinonzi nevamwe zvakakonzerwa nekufa kwakaita mushakabvu uyu aine shungu.

VaMureri vakaratidza vatori venhau kutsemuka kweguva raamai vavo.

“Amai vakafa vaine shungu zvakazozadzikiswa nekutsemuka kweguva ravo. Izvozvo tinoda kuzivisa vanasekuru kuitira kuti tirivake patsva,” vakadaro.

Vakaramba nyaya yekuti mutumbi uyu unogona kunge wakarumwa nemakonzo vachiti panhamo yose iyi vanhu vaingoramba varimo mumba masikati neusiku kusvikira chitunha chanovigwa.

“Nyaya yemakonzo haipo nekuti mangwanani oga-oga mutumbi uyu waitariswa, wakaongororwa kakawanda kubva pavakafa neChishanu, Mugovera neSvondo uchiwanikwa wakanaka uye wakazoonekwa chete kuti wadyiwa wave kuda kugezwa.”

Nyaya yekurumwa-rumwa kwechitunha iyi inonzi yakasvitswa kwasadunhu Chirozva nekwaShe Nyashanu asi haina kusvitswa kumapurisa.

Zvichadai, muzukuru mukuru kumhuri iyi vari zvakare mumiririri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba, vakazoudza Kwayedza panhare nemusi weChitatu svondo rino kuti nyaya iyi haina kuitika semataurirwo azviri kuita vachiti “idzi ihondo dzemumhuri”.

“Ini ndini muzukuru wemhuri iyoyo uye ndini ndakatenga bhokisi. Hakuna zvakadaro zvakaitika, chitunha takachiisa mubhokisi chakanaka. Pane vanhu vari kurwa hondo dzeguru (chipari),” vakadaro Cde Chinotimba.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>