Mupunga nehove kunaka!

15 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Mupunga nehove kunaka!

Kwayedza

MUPUNGA wakasanganiswa nehove kudya kunonaka uye kuchivaka muviri sezvo muhove muine mapuroteni neiron kuchizoti mumupunga mune macarbohydrates.

Svondo rino Mbuya Magaret Muganyi vekuBikita vanotitsanangurira mabikirwo emupunga wakasangana nehove.

Zvinodiwa:

Mupunga, hove dzemhando yaunoda, munyu, mafuta, garlic, matomatisi, hanyanisi kana fish spice.

Mabikiro:

Tora komichi imwe chete yemupunga.

Dira makomichi matatu emvura wokanda twumunyu netwumafuta twushoma, wosiya zvifashaire.

Kana zvaibva chibura wobika supu yematomatisi nehanyanisi parutivi.

Mushure meizvi, tora hove dzako dzakaparwa uye dzakatumburwa nekugezwa zvekuchena.

Mwaya munyu nefish spice pahove dzako wodziisa muhovhoni.

Wozodii?

Kana hove dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukirira.

Dzicheke nebanga kuti dziibve zvose nemukati.

Kana zvadai, chibura udye zvako machikichori nemhuri.

Share This:

Sponsored Links