Mupurisa werudo nematiketi ekutadzirwa

28 Sep, 2018 - 00:09 0 Views

Kwayedza

NDINE shungu dzekuziva kuti nyaya dzevanonyorera kuchirongwa cheTishamwaridzane dzinozopera sei. Varipo vamwe vanozonyora vachitsutsumwa nekuda kwevamwe vanonyorera kuchirongwa ichi asi vachiita zvejee. Vamwewo ndivo vanonyora vachizivisa vanhu vanotsvaga rudo pachirongwa ichi kuti “vachirega zvavo kundifonera nekuti ndakawana wangu.”

Rudo chinhu chakanaka, kana rwuri rwechokwadi. Kana patinoona mafirimu evanhu vane rudo rwuri kutanga kumera midzi, uye rwuri rudo rwusina kunyengera, tinowanikwa tichifara pamwechete nevanhu ivavo.

Tinowanikwa tichivashuwira kuti dai rudo rwavo rwakura, rwukabereka zvibereko zvemuchato, vagove nevana, uye vagoramba vachidanana kusvikira vachembedzana.

Asi icho chinombonzi rudo chii chaizvo? Rudo iLipstick nemaruva matsvuku here? Rudo kupihwa mari nezvipo here?

Ko kana uchitsvaga rudo paTishamwaridzane nekuti wawaimbodanana naye akakuramba, unoziva sei kuti hausangane neakarwadziswa ave kungotsvaga kutamba ozoramba? Ko kana ukanyorera paTishamwaridzane wobva wafonerwa nevanokuda 15 kana 30 unozosarudza upi, uchishandisa chii?

Ko vanotsvaga rudo havasi here vanoita tsika kuti vagodiwa asi vari makava? Kana ukafonerwa nevanhu 15 vachiti vari kukuda chichakuudza kuti ari serious ndinhamba 6 kwete vamwe vese chii? Ko kana wawaimbodanana naye akufonerawo achiti huya tidzokerane, unoti kudii?

Ko ipo paye paunoti handichada munhu chii chaicho chaunenge usisade? Rudo iruva raisimbotumbuka, asi rikazopedzisira risisatumbuke here? Ko chakaita kuti rirege kutumbuka hausiwe here wakarega kuridiridzira?

Muridzi werudo ndiani pakati pevanhu vanodanana? Ko sei zvichidaro murudo kuti mumwe munhu anogona kurambwa, asi nyangwe arambwa kudaro, anoramba achingoda munhu uye akamuramba?

Ko vanotiwo kana varambwa vanobva vati handisi mbudzi yakasungirirwa pachitsiga, vobva vatanga kutsvaga rumwe rudo, vanhu ivavo tingavati vane rudo chairwo here? Rudo rwavo harwuna kudzama semvura iri mukapu here?

Sei mukutsvaga rudo tichinyanya kukoshesa zvatinoda isusu, asi tisingakoshese zvinodiwa nekutsvagwawo nevamwe? Tishamwaridzane ine vanhu vari kutsvaga rudo, asi mutsvagiro wavo rudo ndewekutaura zvavasingade.

Ko chii chakaipa nekuti timbotarisawo nekuita zvinoda vamwe? Kumbozviudza kuti unyarare mumwe ambotaura. Kuzviudza kuti uende kwausiri kuda asi uchizviitira rudo?

Rudo rwunoda kuti tizive kuti kana tave nyama imwechete, tafanana nemunhu ari kukanga maputi ane nzungu. Hazvipinde mumoto panguva imwechete. Chibage chinoda nguva chisati chatsvukirira nekunhuhwirira, asi nekune rimwe divi, nzungu hadzitane kutsva.

Asi ukazodya zvese nzungu nechibage, uchanzwa kunaka kwazvinoita kunobva pakusiyana kwazvakaita. Muna Genesisi makanzi, “Murume akati, ‘Zvino uyu ibvupa ramapfupa angu nenyama yenyama yangu; achanzi ‘mukadzi,’ nokuti akatorwa kubva pamurume.”

Kurambana kubvisa mapfupa mumuviri wako. Muviri usina mapfupa hauna simba nekuti unenge usina chakautsigira. Vazhinji vakafunga kuti dambudziko rewanano yavo raive pamurume kana mukadzi wavo, asi vakazozviona pavakaroora kana kuroorwa kechipiri kuti ivo ndivo dambudziko.

Kuroorana kuzvideredza. Hauzviroore pachezvako, asi vamwe dai vaizviroora pachezvavo vaizongozviramba. Mukudanana, ngatisamhanyire kufadza nyama, asi ngatikurukurirane, ngatinzwanane, tibudirane pachena tichiziva kuti wanano hakusi kukwira kombi yaunoburuka mushure memaminitsi 20.

Tsamba yaPauro kuVaRoma (12 v 9-12) inotipa muenzaniso wakanaka wewanano. Ngativengei zvakaipa; tiratidzidzane rudo, tiite makwikwi ekuita zvinhu zvinoyemurwa, tichifara mutariro, asi panguva yematambudziko tichiita mwoyo murefu.

Rudo harwudi kugara mumwe akabata bhuku rematiketi ekutadzirwa semupurisa paRoadblock.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey