Uncategorized

Muredzi wehove akapondwa

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Muredzi wehove akapondwa bty

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wemubhuku raKamutondore, kuNyamapanda, anonzi akafa nekupondwa kudhamu reLake Chivero, kuNorton, nguva pfupi yadarika apo iye nemumwe wake vakarwiswa nechikwata chevanhu vatatu vachipomerwa kuredza hove zviri kunze kwemutemo.Mushakabvu uyu nemumwe wake vanonzi vakarwiswa nevanhu vanobata hove zviri pamutemo vema‘‘fisheries” avo vane matsamba kubva kubazi reZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya iyi.

“Tine nyaya iri kuferefetwa nemapurisa edu eZimbabwe Republic Police (ZRP) yemurume ari kufungidzirwa kuti akafa nekupondwa kudhamu reLake Chivero apo mutumbi wake wakazowanikwa uri mumvura. Varume vanofungidzirwa kuti vakapara mhosva iyi vachiri kutsvagwa nemapurisa,” vanodaro.

Insp Mabgweazara vanoti nyaya iyi yakaitika apo zvikwata zvevanhu zvakanetsana vari mumvura pavaibata hove.

Roy Williams Sate (31) uyo aibva kuKotwa kwaMutoko asi achigara mumusha weBudiriro, muHarare, ndiye akazofa pabongozozo iri.

“Akafa ainzi Roy Williams Sate uyo panguva yavanonzi vakarwiswa iyi, aiva naMarvelous Khumalo (25) wekuHatcliffe Extension uyowo pari zvino ari kugara kupurazi reAmalinda kana kuti kwaPeter, muguta reHarare,” vanodaro Insp Mabgwezara.

Varume vaviri ava vanonzi apo vairedza hove vachishandisa mambure pakati pehusiku vari muigwa, vakasangana nevamwewo vaishandisawo mambure vari muchikepe.

Varume vatatu vaive muchikepe vanonzi vakasvikodhuma igwa revaviri ava.

“Vaiva nechikepe chikuru vakasvikodhuma igwa raishandiswa nevaviri ava richibva ratsemuka. Ipapo vatatu ava vanonzi vakabva vasvetukira muigwa revakomana ava ndokutanga kuvarova nezvombo zvinosanganisira tsvimbo kusvikira Roy Williams Sate anonzi akazowira mumvura chatova chitunha,” vanodaro Insp Mabgwezara.

Varume vatatu ava vanonzi vakazodzokera muchikepe chavo vave kuda kutiza apo Khumalo anonzi akazosvetukira muchikepe ichi aona kuti igwa ravo rakanga rava kuzara mvura mukati nekutsemuka uko rakanga raita parakadhumwa.

“Vatatu ava vanonzi vakazosandudzira Marvelous kunze kwechikepe chavo uyo akazonobatirira pamatombo ivo vachienda kunosvika kunze apo vanonzi vakabva vatiza vachisiya chikepe,” vanodaro.

Khumalo anonzi akazokwanisa kubuda mumvura umu ndokunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa ekuBudiriro 2 asi yakazodzoserwa kuNorton.

Khumalo anonzi akakuvadzwa musoro, akazoendeswa kuchipatara cheHarare Central Hospital uko akanosonwa.

Mapurisa anonyurura vanhu mumvura anonzi akazoshevedzwa ndokunowana mutumbi waRoy mumvura mushure memazuva.

Mutumbi uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara cheHarare Central Hospital uko wakanoongororwa nemachiremba usati wanovigwa kumusha kwake kuMudzi.

Insp Mabgwezara vanoti mapurisa achiri kutsvaga varume vari kufungidzirwa kuti vane chekuita nekufa kwaRoy uyewo nekukuvadza Marvelous.

Munorwei Ambuya (38), uyo anova muzukuru waRoy, anoti vakangomirirawo kuferefetwa kwenyaya iyi nemapurisa.

“Ndakazongonzwa kuti sekuru varohwa vachibata hove vakafa uye mumwe wavo akakuvara zvikuru,” anodaro.

Try Sate (24) anova munin’ina wemushakabvu anotiwo musi uyu akaonekana nemukoma wake nenguva dza4 zuva rodoka achiti ava kunobata hove kudhamu ndokuzongonzwa kuti afa.  Kuchiti Susan Nzaramuroyi (30) anova mudzimai waRoy anoti akasiirwa vana vana avo vave kumutambudza kuchengeta.

Lomiel Mutengera (23) munin’ina waRoy zvakare anoti hapana zvizhinji zvavanoziva nefiro yemukoma wavo uye mashoko ake anotsinhirwa nemukoma wake, Stanley Sate (35).

Angella Nzaramuroyi (25) naRachel Ziko (29) varamu vaRoy vanotiwo vakamirira kunzwa zvichabuda kumapurisa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>