Murimi gara warongeka

06 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Murimi gara warongeka

Kwayedza

MWAKA wekurima wa2017-2018 waswedera zvekuti pari zvino murimi akangwara anofanira kuve akatogadzirira kare, kana kuti ave kupedzisa gadziriro dzake.

Zvakakosha kuti murimi ave akarongeka kuburikidza nekutenga zvinodiwa sembeu, fetereza nemishonga yekushandisa muzvirimwa nguva ichiripo.

Kana mhando dzembeu murimi kwaye atova kuziva dzaacharima zvose neminda yacho.

Kune vamwe vanozomhanya-mhanya apo mvura inenge yotanga kunaya zvinova zvinokanganisa basa ravo.

Pakutenga zvekushandisa zvakaita sembeu, zvakakosha kuti varimi vatenge yakauchikwa kuzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo kwete yepamikoto.

Mbeu inotengeswa pamisika yemukoto inogona kunge yakachipa asi pakupedzisira murimi anozochema sezvo zvinenge zvisingamupe pundutso — anowana goho rakaderera.

Mukuita gadziriro uku, varimi vanofanira kushandawo pamwe chete nevarimisi kana madhumeni ekumatunhu avo.

Izvi zvakakosha nekuti madhumeni aya ane ruzivo rwakadzama pamusoro pekurima izvo zvinobatsira varimi kuti vange vachisimukira mubasa ravo.

Panguva imwe chete apo varimi vave kupedzisa gadziriro dzavo, tinokurudzira kuti dura renyika, reGrain Marketing Board nemamwe makambani akasiyana anotenga zvirimwa kubva kuvarimi, vabhadhare varimi nenguva kuitira kuti vakwanise kuwana mari yekudzokera muminda.

Kana varimi vakabhadharwa mari yezvirimwa zvavo nenguva, zvinovabatsira kuti vange vachiita gadziriro dzekudzokera muminda nyore.

Tinogamuchira nemawoko maviri danho rakatorwa nedare reCabinet rekuyambira GMB kuti isabate varimi nekuseri kweruwoko.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti kune dzimwe nhubu dzekuGMB dziri kuramba kutambira zvirimwa zvevarimi, zvikuru zvembesa diki pasina zvikonzero zvakati kwesere.

Kune dzimwe nharadada zvakare dzinosanganisira vamwe vanamuzvinhabhizimisi, dzinonzi dziri kufambisa mashoko emanyepo ekuti GMB haichatora chibage kuvarimi chichinzi chazarisa.

Vanamuzvinhabhizimisi ava chinangwa chavo ndechekurozva varimi nekuvatengera chingave chibage chavo nemari shoma pane iyo iri kubhadharwa neGMB.

Sechisungo chedare reCabinet, zvakakoshawo kuti GMB ivhure dzimwe nzvimbo dzekutengera zvirimwa kumatunhu ose enyika pedyo nevarimi kuti zvivaitire nyore mukutengesa zvirimwa zvavo.

Varimi vakashanda nesimba zvikuru mwaka wadarika kuburikidza nerubatsiro rweHurumende pasi pechirongwa cheCommand Agriculture.

Saka nekudaro hazvina kukodzera kuti vange vachibatwa nekuseri kwemawoko.

Tinofanira kunge tichitozvirova matundundu kuti takakohwa pakuru uye kuti nyika ino yave kudzokera panzvimbo yayo yekare yekuve hurudza mudunhu rose reSadc.

Itarisiro yedu kuti kana varimi vakawana rutsigirwo serwemwaka wapera pasi pechirongwa cheCommand Agriculture, hapana chinotadzisa nyika ino kuwana goho rakanaka.

Zvakakosha kuti varimi zvakare vange vachiwaniswa zvekushandisa izvi nguva ichiripo kuitira kuti vafambirane nemwaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>