Murimi: Hapana chichakumisa

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Murimi: Hapana  chichakumisa

Kwayedza

MWAKA wekutengeswa kwefodya wakavhurwa zviri pamutemo nemusi weChitatu svondo rino uye itarisiro yedu kuti zvinhu zvichafamba zvakanaka.

Varimi vari kutarisira kuti mitengo inge yakanaka kuitira kuti vakwanise kudzokera kuminda mwaka unotevera.

Kutengwa kwakanaka kwefodya zvinorevawo kusimukira kweupfumi hwenyika sezvo chirimwa ichi chichiunza mari yekunze yakawanda.

Panguva imwe cheteyo apo vamwe varimi vari kutengesa fodya kumisika yakasiyana, vamwe vari mushishi kugadzirira kukohwa zvimwe zvirimwa.

Zvirimwa zvave kusvika padanho rekukohwewa zvinosanganisira chibage nezvimwe zvidiki zvakaita semapfunde, mhunga, maringazuva nenzungu.

Zvakakoshawo kuona kuti migwagwa inoshandiswa nevarimi – kusanganisira vefodya – kuendesa goho ravo kumisika yakanaka.

Tinodaro nekuti mwaka uno weZhizha mvura iri kunaya zvikuru izvo zvakonzera kuti mimwe migwagwa isare yangova makomba-makomba uye mamwe mazambuko akayeredzwa nenzizi dzazara.

Tinofara kunzwa kuti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekuona kuti migwagwa mikuru yose yakaparadzwa nemvura yaive nedutu yagadziriswa. Kugadziriswa kwemigwagwa iyi kwakakosha nekuti zvinodzivirira tsaona uye zvichiita kuti varimi varerukirwe pakuendesa goho ravo kumisika.

Kunze kwekuona kuti migwagwa yakanaka, zvakakoshawo kuti dura renyika reGrain Marketing Board rigadzirire zvizere kutambira zvirimwa zvakasiyana kubva kuvarimi.

Tinodaro nekuti Zimbabwe gore rino iri kutarisira kukohwa chibage chakawanda zvikuru. Zvakakoshawo kuziva kuti goho guru remwaka uno riri kubva pakutsigirwa kwakaitwa neHurumende, kuburikidza nezvirongwa zvekubatsira varimi nezvekurimisa – chePresidential Input Scheme necheCommand Agriculture. Chishuwo chedu kuti zvirongwa izvi zvifambira mberi zvakanaka uye zvibatsire pakurimwa kwegorosi remuchando sezvo nguva yacho yaswedera. Zvakadai, mamwe matura eGMB anga ave nemakore asingashandiswe zvizere zvichireva kuti anofanira kugadzurudzwa nguva iripo kuitira kuti akwanise kugashira goho guru riri kutarisirwa.

Zvinofadza pamwe nekudadisa kuona Zimbabwe ichidzokera pachidanho chayo chakare chekuve hurudza mudunhu reSadc.

Hurumende yakatotaura kare kuti haicharamba ichitenga chibage kunze kwenyika nekuda kwegoho guru riri kutarisirwa mwaka uno.

Varimi vakashanda nesimba mwaka uno vanofanirwa kurumbidzwa nekusimudzira kwavaita mureza wenyika munyaya dzekurima.

Asika, zvakakoshawo kuti zvirimwa zvakaita sechibage, nzungu nemapfunde zvivandudzwe kubudikidza nekugadziriswa zvimwe zvinhu zvakasiyana kwete kungotengeswa zvakadaro. Somuenzaniso, varimi vanogona kuvandudza nzungu kana chigabe nekugaya mafuta ayo avanozotengesa vachiwana mari dziri pamusoro.

Kuvandudzwa kwezvirimwa izvi zvinorevawo kumuka kwemabasa kumatunhu akasiyana pamwe nekusimukira kweupfumi hweZimbabwe.

Hapana budiriro inokwanisa kuitika munyika pasina kusimukira munyaya dzekurima nekuti muvhu ndimo mune hwaro hweupfumi hweZimbabwe. Gore rino, iro rino iri! Hapana chinomisa murimi kuti abudirire. Inguva yako murimi weZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey