Uncategorized

Muroora akarikitwa navamwene

31 Jul, 2014 - 08:07 0 Views
Muroora akarikitwa navamwene

Kwayedza

SAKINA MUSA

SAKINA MUSA

Nyasha Mutena naShamiso Kufaruwenga
MUDZIMAI wechikuru wekuChitungwiza akatongerwa kushanda pasina muripo nedare reko zvichitevera kuzvambaradza kwaainge aita muroora wake wezera rechidiki, uyo waanoti haasi kuda kusiyana nekatsika kake kekuitira tsvina mumba achiiviga kuseri kwewadhuropu.

Muroora uyu, wekumbobuda muKwayedza munaGumiguru 2013 achinzi akaitira tsvina mumba, anonzi akazvidzokorora zvakare, izvo zvakaita kuti arikitwe navamwene vake, nyaya iyi ndokuzokwidzwa kumatare edzimhosva.

Muroora Sakina Musa, uyo anogara nemurume wake, Israel Twabi, panhamba 13583 kuUnit N, akazorikitwa navamwene vake svondo rapera achinzi ainge aitira tsvina mupurasitiki rechingwa ndokuiviga kuseri kwewadhuropu mumba mavo.

Tsvina iyi inonzi yakazoonekwa nemumwe wevavanogara navo pamba apa uyo akabva anyeurira vamwene vaSakina, Maria Chale (42).

Chale anonzi akabva amuka chibhebhenenga ndokurova muroora wake, uyo akazonomhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvichibva zvaita kuti vamwene ava vasungwe.

Nyaya iyi yakapinda mudare reChitungwiza Magistrates’ Courts nemusi weChishanu svondo rapera, Chale ndokubatwa nemhosva yekurova muroora wake. Akatemerwa chirango chekunoshanda zvisina mubhadharo.

Muchuchisi wedare iri, Ntombikayise Nleya, akati Chale akarova Sakina mushure mekunge muroora uyu aitira tsvina mumba.

Chale akaudza dare kuti Sakina ane tsika isina kunaka, yekuita tsvina mumba nokudaro akange agumbuka apo akazomuzvambura.

“Muroora uyu anoita zvinonyadza. Ndakawana mumba muine mapaper bag ainge achiitirwa tsvina, okandwa kuseri kwewadhuropu.

“Handina kufara nazvo, iye ainge asipo nokudaro ndakangokiya mukova ndokuenda kwehanzvadzi yemurume wangu vanova tete, ndiko kwaakazouyawo Sakina.

“Ndakazobvunza muroora mashura etsvina yaive kuseri kwewadhuropu aya iye ndokutanga kupindura zvaanoda nokudaro ndakaita hasha ndokubva ndamuvhara nembama imwe chete iye ndokunomhan’ara ini ndokuzosungwa,” Chale akaudza dare.

Mutongi Timeon Makunde akati Chale ainge asina kodzero yekurova muroora wake kunyangwe ainge atadza, nokudaro akanzi ashande pasina muripo kwemaawa 105 paSeke Teachers College.

Muhurukuro neKwayedza, murume waSakina, Israel, akabvuma kuti pekutanga apo nyaya iyi yakambobuda munhau, zvechokwadi Sakina ainge aitira tsvina mumba asi rwendo rwuno kwaiva kunyepa zvisinei nekuti ndiye anonzi akanoshevedza amai vake achizovaratidza chisionekwi icho chainge chadzokorodzwa nemudzimai wake.

Akateterera kuti nyaya iyi isaburitswe mubepanhau achiti zvaizomushoresa zvakanyanya nevanhu vanomuziva.

“Akati afunga zvekutama nemudzimai wake kubva muChitungwiza nekuda kwenyaya iyi.

“Nyaya iyi yakatopera, pekutanga ichokwadi kuti mukadzi wangu akaitira tsvina mumba asi apa kunyepa.

“Amai vanovenga mukadzi wangu zvekutoti tava kutama muChitungwiza, pamwe tikanogara kure navo zvinopera.

“Asi ndapota musaburitse nyaya iyi nekuti munenge mava kutimakisa.

“Tingafambirepi kana nyaya iyi ikabuda mubepanhau futi? Please musanyore nyaya iyi,” akadaro Israel. Sakina akatsinhira mashoko aIsrael achiti:“Vanongondivenga vamwene vangu. Handiti makambonyora nyaya yacho kudhara saka zvichine basa rei? Handizvizive ini zvetsvina iri kutaurwa uye chavakandirovera ndinochishaya. Ndezvekunyepa izvo!”

Asi Sakina akambobuda mubepanhau rino gore rapera muna Gumiguru achibvuma kuti ainge aitira tsvina mumba make iyo akazopukuta nechipfeko chemurume wake achibva aipfimbika muwadhuropu. Ipapo akati “zvakangoitikawo” uye zvainge zvisina chekuita nekushandisa mishonga yemupfuhwira.

Panguva iyi, lsrael anonzi ndiye akaona tsvina iyi zvakare apo aitsvaga hembe dzake ndokuzoudza amai vake zvainge zvaitwa nemuroora wavo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey