Uncategorized

Muroora Anorova Vamwene…murume wake akayeva

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Muroora  Anorova Vamwene…murume wake akayeva MBUYA Viniah Mupanduki

Kwayedza

MBUYA Viniah Mupanduki

MBUYA Viniah Mupanduki

Kingstone Mapupu
CHEMBERE inogara mumusha weMarlborough, muHarare, inoti iri kuoneswa chitsvuku nemuroora wayo uyo wainoti anogara achiirova pamadiro apo mwanakomana wayo anenge akayeva. Mbuya Viniah Nyarai Mupanduki (64), avo imba yavo iri mumugwagwa waTaormia, vanoti upenyu hwavo hauna kumbosiyana nehwemunhu ari kupika jeri nekuda kwekushungurudzwa kwavari kuitwa nemuroora wavo, Leoba Costa (27).

Costa mudzimai wemwanakomana wechembere iyi, Denis Mupanduki (40).

LEOBAH Costa

LEOBAH Costa

Mbuya Mupanduki, avo vakaoma mimwe mitezo makore mashanu akadarika, vanoti vakarohwa nemuroora wavo vakadambuka tsinga yegumbo rekurudyi uye mudonzvo wavanoshandisa pakufamba ukatyoka vachizvambaradzwa.

DENIS Mupanduki

DENIS Mupanduki

“Muroora wangu ndiyeyu mumwe chete, haandione semunhu, anonditukirira nekundirova pamadiro. Ndashaya kwekuenda, ndinogara navo pano pamba pangu. Kana kundimhoresa chaiko vose nemwanakomana wangu havandimhorese.”

Vanoti zvisinei nekuti vasvitsa makore mashanu vachirwara, muroora wavo anongovarova pamadiro.
“Vamwe vana vangu vari mhiri kwemakungwa, ndina iye Denis nemukadzi wake negotwe rangu Kudzanai (23). Vana ndakaita 8, mumwe chete ndiye akafa.

“Mukomana anongova Denis chete, iye ane mukadzi andinetsa uyu. Nyaya yandinoroverwa nemuroora ndeyekurwira imba sezvo Denis achiti imba yangu ndeyake. Imba iyi ndakatenga ndoga mushure mekutengesa imwe imba yaiva kuHighfield ndokuwedzera mari,” chembere iyi yakaudza Kwayedza ichipisa tsitsi.

KUDZANAI Mupanduki

KUDZANAI Mupanduki

Mbuya ava vanoti murume wavo akashaika mugore ra1996 ivo ndokusara nevana apo vose vakazoenda kunoshandira kunze kwenyika.
“Imba iyi ndakazoitenga muna2001 ichingova mipanda mitatu ndokubva ndaiwedzera. Muroora wangu uyu ane rimwe chete nemurume wake nekuti kundirova uku kundifusa kuti ndibve pano vasare ivo nekuti Denis anoti imba ndeyake. Haatsiure mudzimai wake kuti asandirove.

“Ndakarohwa kusvikira ndafenda, ndichirohwa netsvimbo yangu yemacrutches ikasvika pakutyoka,” vakadaro.
Muroora uyu anonzi anotora zvakare tsvina mumabhini nemachira aanoshambidza nawo mwana wake achiisa pamusiwo wedzimba dzaamwene vake.

“Imba yangu ine dzimba 18 pamwe chete pasi nepamusoro. Mwana wangu Denis nemuroora vanoshandisa dzimba shanu dziri pamusoro ini nemwanasikana wangu nemushandi tichishandisa 13. Vanasikana vangu vari kunze vanonzwa nezvekurohwa kwangu vashaya kuti voita sei saka ndakaendesa nyaya iyi kumatare edzimhosva kuti muroora uyu nemurume wake vabviswe pano ndisarewo ndigare zvakanaka.”

Mbuya Mupanduki vanoti zvakare vakambotemwa nemuroora wavo nekapu yegirazi ikapwanyikira pagumbo ravo apo vakazodambuka tsinga.
“Iye mwana wangu chaiye anondituka kusvika nezvemukati, handina rugare. Nyaya yekurohwa kwangu hakuna asingaizive muno kusvikira nekumapurisa.”

Mbuya Mupanduki vanoti vanogara vachitorerwa mari yerendi yeimwe imba yavo iri kuZengeza 1, panhamba 79 mumugwagwa waDahunha, naDenis nemukadzi wake.

Mumwe anogara naambuya ava, Mai Omega Chihururu (43), vakatsinhira nyaya yekurohwa kwavo.

“Ambuya ava vakarohwa netsvimbo yavo yavanoshandisa pakufamba kusvikira yatyoka. Muroora uyu akazonhonga waterglass iro akazovatema naro rikapwanyikira pagumbo ravo apo tsinga yakabva yadambuka vakazonosonwa kuchipatara,” vakadaro Mai Chihururu.

Asi Costa akaramba kuti anorova vamwene vake achiti nyaya dzose dzairongwa kuti iye nemurume wake vabviswe pamba apa.
“Musi uyu ndairwa natete Kudzanai apo amai vakaedza kudzivisa. Handina kana kumbovarova, ndakangovaguma. Inyaya dzekurongwa idzi,” akadaro Cotsa.

“Amai ava ndinovada savamwene vangu nekuti vakandiberekera murume. Ini naamai tinowirirana, munhu anotirwisanisa nditete Kudzanai. Kana tiri toga pano pamba naamai tinototaura tose ndichitovabikira. Mukati ndinorwa natete ichokwadi kwete zvekuti ndinorova amai. Ivo tete ndivo vanotanga kundirova saka ndinozodzosera,” akadaro.

Costa nemurume wake vakaroorana mugore ra2010 uye vane mwana mumwe chete.
Denis akarambawo nyaya yekuti mukadzi wake anorova amai vake.

“Iyi inyaya yekunyepa, yekuti isu tibviswe pano nekuti pane mitauro yemba. Amai vanoti imba ndeyavo asi kunyepa nekuti imba iyi ndakaitenga Z$2,1 miriyoni apo ndaivatumira mari ndiri mhiri.

“Muna 2001 ndipo payakatengwa naivo amai vachibva vaisa zita ravo. Ndakazobva kuUK muna2003 apo ndakanga zvakare ndatenga mabhazi angu nedzimwe mota izvo ndakatengesa ndichitenga imba iyi nekuzoivakisa,” akadaro Denis.

“Ndakavimba naamai kuti vaise zita ravo paimba iyi nekuti mazuva iwayo kana waiva kunze kwenyika waisabvumidzwa kutenga chinhu nezita rako usipo.”

Anoti mumhuri mavo mune zvisina kumira zvakanaka nekuti mumwe mukoma wake ana amai vake oga, akazviuraya.
Denis anoti svondo rakapera akarwiswa nevanhu vakauya pamba pavo vaasingazive avo vakamuvinga vachimuti sei vaishungurudza amai vake.
“Ndakadzipwa pano nemazirume nemukadzi vakasvikotipindira mumba. Nyaya dzaamai ndedzekunyepa dzose,” akadaro.

Denis anoti haana chakaipa naamai vake uye anovada zvisinei nenyaya dziripo idzi. “Asi handigone kuramba mukadzi wangu nekuda kwemakuhwa neruvengo urwu. Tichasvika patichataurirana towirirana togara zvakanaka. Nyaya idzi dzinowedzerwa naKudzanai uyu dai abva pano aroorwawo sevamwe pamwe zvaiita zvakanaka. Mutsvagireiwo murume iko kwenyu kuZimpapers,” akadaro Denis.
Kudzanani akatsinhirawo nyaya yekuti muroora anogara achirova amai vake.

“Ndairwa naye Leoba apo akazotanga kurova amai kusvikira tsvimbo yavo yatyoka,” akadaro Kudzanai.

Share This:

Sponsored Links