Muroora ogarisa vamwene mugomo… ‘Anondipumha Huroyi nekunditi Pfambi’

12 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Memory Lemani
VAMWENE vekusiya musha vachigara mugomo senzira yekuchengetedza runyararo pakati pavo nemuroora vakazokanda mapfumo pasi ndokupotera kudare mushure mekunge vaoneswa chitsvuku. Ronika Fuche akamhan’arira muroora wake, Tsitsi Rusike, kuHarare Civil Court achichema-chema kuti ari kumufurufusha zvisina mukare akamboona.

“Ndauya kuno kudare nekuda kwehondo yandakatangirwa nemuroora wangu uyo andionesa ndondo. Kutaura kuno ndanga ndatova nemazuva ndichigara mugomo. Ndakaona kuti zviri nani kupota ndichienda kunoswera kugomo zvangu iye oswera zvake pamba oga pane kuti tiswere tichinetsana.

“Ndine dambudziko reBP zvino chirwere ichi hachidi mabatirwo andinoitwa nemwana uyu. Anondishaisa mufaro mumba mangu nekuda kwemashoko anobuda mukanwa make. Anondituka sekunge ndine zera naye. Vanhu vose vemuraini vava kutomuziva nekuda kwekusakwana kwake,” akadaro Fuche.

Akati muroora wake anomupumha huroyi pamwe nekumuti ipfambi.
“Anogara achindipumha huroyi uye anonditi ndiri pfambi. Handizivi kuti zvaanotaura anozviwana kupi. Anogona kungotanga kundituka omhanya kunomhan’ara kumapurisa kuti ndiri kumurova pasina zvandinenge ndamuita.

“Pandiri pano ndanzwa nekuvharirwa kukamba yemapurisa nekuda kwemanyepo ake. Akauya kumba kwangu natete vake vakandituka vachiti vanoda kundiuraya musiwa 11 Chikumi usati wasvika. Ndava kutotyira upenyu hwangu nekuti anogona kungofuma akandiisira muchetura muchikafu sezvo aine zvivindi zvinotyisa,” akadaro Fuche.

Akati muroora wake akamunyepera zvakare paakambomhan’ara kumapurisa achiti anomunyima chikafu pamwe nekumurarisa panze.“Chokwadi changamire, kana iye munhu akakwana angararise muroora ane kacheche kakadai panze? Ndinotoshaya kuti akandivengerei. Ndinoedza nepose pandinogona kuchengetedza runyararo pakati pedu asi iye haazvioni zvose izvozvo,” akadaro.

Achipawo divi rake, Rusike akaramba zvaitaurwa navamwene vake achiti:“Zvose zviri kutaurwa naamai handizvizive, vanondinyepera. Vari kuda kungondidzinga pamba pavo chete sezvo mwana wavo akati haachandida. Ini handina zvandinovatadzira asi havangondida. Ndinoedza kutovapawo rukudzo savamwene vangu asi zvaramba.”

Murume waRusike, Johannes Foya, akapawo huchapupu mudare achiti mukadzi wake anoshungurudza vose vavanogara navo.“Mukadzi wangu munhu anoshungurudza munhu wose, kana ini murume wake chaiye. Akada kutanga kutuka anotuka zvekuti tinonyara vavakidzani vava kuungana vachinzwa nyaya dzake dzisina maturo. Zviri kutaurwa naamai vangu ichokwadi. Anovashaisa mufaro pamba pavo,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akatambira chikumbiro chaFuche ndokuti Rusike nemurume wake vabude mumba maamai vavo votsvaga kwavo kwekugara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey