Muroora wangu anoda kundidhaya – Tezvara

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Muroora wangu anoda kundidhaya – Tezvara

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Tezvara vakapotera kudare vachiti vaoneswa nhamo nemuroora wavo uyo wavanoti anogara achida kuvarova. Gabriel Denhere akaudza dare reHarare Civil Court kuti muroora wake, Staylley Chininga, anomutyisidzira nguva nenguva achiti anoda kumurova.

“Changamire, mukadzi uyu aimbova muroora wangu, mukadzi wemwanakomana wangu mushakabvu. Dambudziko ravapo nderekuti anogara achida kundirova pose patinosangana. Panhamo yemwana wangu chaipo, akatouya nehama dzake vachida kundirova zvekuti ndava kutya kusangana naye,” anodaro Denhere.

Anoenderera mberi achiti kuda kurohwa kwake nemuroora kwakabvira muna 2007 asi chikonzero chacho haachizive.

“Akabvira kare, muna 2007 achiti anoda kundirova asi handizive kuti dambudziko racho nderei. Izvozvi ari kuuya achiti anoda death certificate remwana wangu asi ndakamuudza kuti handina. Zvino chaachiri kuda kubva kwandiri ndiri kuchishaya,” anodaro.

Chininga anoramba mashoko ekuti anogara achida kurova tezvara vake achiti anoenda kumba kwavo achida death certificate remurume wake kuitira kuti akawanise kutorera vana mabirth certificate ekuti vaende kuchikoro.

“Handibvumirane nechikumbiro chavo nekuti zvavataura ndezvekunyepa. Handidi kuvarova ini, ndiri kuenda kwavari ndichida death certificate remurume wangu kuti ndikwanise kutorera vana mabirth certificate ekuti vawane nzvimbo dzechikoro nekuti izvozvi havasi kuenda,” anodaro Chininga.

Mutongi Nyasha Marufu akarasa chikumbiro chaDenhere achiti hapana umboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa nemuroora wake.

Share This:

Sponsored Links