Uncategorized

Muroora wemimba yatezvara akabara

08 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Muroora wemimba yatezvara akabara Rumbi akabata mwana wake

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUDZIMAI wechidiki wekuHurungwe — uyo anoti akabatwa chibharo navatezvara vake ndokupiwa pamuviri asi ndokurega kumhan’ara nyaya iyi — akasunguka mwana musikana svondo rapera pamberi musango.

Mudzimai uyu – Rumbi (20) akabuda muKwayedza svondo rapera pamberi apo aitsvaga rubatsiro. Pari zvino ari kugara naamai nababamunini vake kumapurazi ari pedyo neEpworth, muHarare. Muroora uyu anoti vatezvara vake – avo vanove muzvinabhizimisi uye murimi wefodya kuHurungwe – vakaronga nemurume wake kunovhura chitoro kuRutenga mushure mekunge vawana mari pavakatengesa fodya.

Anoti akabhinywa natezvara vake kaviri ndokubata pamuviri apo vakamutora kumusha kwaaiva nemurume wake ndokunogara naye kuRutenga achitengesa muchitoro chavo.

Rumbi anoti akasununguka mwana musikana musango nemusi wa28 Ndira apo aiperekedzwa naamai vake kukiriniki.

“Ndakasunungukira musango tichienda kukiriniki yekwaMangwana kuEpworth. Takanonoka kubva kumba ndokubva nhumbu yarwadza tiri munzira sevanhu takashaya motokari yekunditakura.

“Amai vangu naamainini ndivo vakatambira mwana uyu zvose nekumugadzira tiri musango, tikazonosvika kukiriniki ndatova nemwana,” anodaro Rumbi.

Anoti mwana uyu haasati ava nezita uye ari kushaya kuti anomutumidza zita rekuti ani nekuda kwezvaakasangana nazvo.

“Ndichadzokera nemwana uyu kukiriniki uyo akabuda aine makgs 3,5 paakaberekwa. Haana dambudziko, nhamo ndeye mbatya dzake nezvekufuga uyewo sipo, madhishi ekuwachira nemabhegi. Ini amai vacho handina kudya, amai vangu havanawo chekubata,” anodaro Rumbi.

Anoti pakabuda nyaya yake muKwayedza nepanhepfenyuro yeStar FM, akabatsirwa nevamwe vane tsiye nyoro nezvimwe zvinhu.

Anotiwo kune vamwe vanhu vanoratidza kuti vanoda kuita hutsotsi avo vanonzi vakamuridzira nhare vachiti vaiva nemasaga mashanu echibage nemarita 20 emafuta ekubikisa, izvo vaiti vanoda kutumirwa mari yekuti vatenge peturu yemotokari yekuti vavaunzire.

Kune vanoda kubatsira Rumbi vanomubata panhamba dzinoti 0775 859 392, 0774 200 923 kana 0776 809 911.

Tezvara vekubhinya muroora ava vanonzi havasati vasungwa nekuda kwemhosva yavari kupomerwa iyi.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti vanoda nguva yekuongorora mafambiro ari kuita nyaya yaRumbi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey