Muropa akaparura DVD

05 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Muropa  akaparura DVD

Kwayedza

MUIMBI ari kusimukira uyo ane mukurumbira zvakare wekuekita mumadhirama, Bornface Muropa (38) anozivikanwa nezita rekuti Nhamo mumutambo uri kunetsa mazuva ano unonzi “Vavakidzani”, akaparura DVD redambarefu rake idzva rinonzi  “Zvakazoita” iro rinokurudzira vanababa kuti vasabhinye vanasikana vavo asi kuti vavachengetedze.

PaDVD raakabura iri nechikwata chake cheWowowo Super Sounds, Muropa anoti pane mavhidhiyo emusambo wesungura anodzidzisa vateereri nezveupenyu maererano nemagariro ari kuita vanhu mazuvano.

Anoti anoshushikana zvikuru nekatsika kari kuitwa nevamwe vanababa avo vari kubata vanasikana vavo chibharo.
“Munyika umu tiri kushamisika netunyaya twava kuitika twekuti unonzwa kuti baba varara nemwana wavo kana kuti baba vazoitisa mwanasikana wavo pamuviri,” akadaro.

“Chimbo chedu chinonzi Mwanasikana ndicho chine dzidziso huru tikatarisa mamiriro akaita zvinhu mazuva ano.

Pavhidhiyo iri tinobuditsa kubatwa kwemwanasikana chibharo nababa vake pamwe chete nekukanganisika kunozoita hupenyu hwake. Ndipowo patinobuditsawo zvakare donzvo redu rekuti vanababa ngavazvibate varegedze tsika yekubhinya vana vavakabereka nekuti vana ivavo vanenge vakatarisira kwavari kuti vachengetedzeke.

“Mubvunzo wedu mukuru paDVD iri ndewekuti saka kana vanababa vakadaro vanasikana vavo vachazoda here pfuma kana kuti vanoti anozoroorwa naani uye hupenyu hwake huchaendeka sei achigara achingofunga zvaakaitirwa nebaba vake?” akadaro Muropa. Anoti dzimwe nziyo dziri paDVD iri dzinosanganisira kambo kanonzi Sango ako kanokurudzira vanhu kuti vashande nesimba chero zvinhu zvakaoma sei.

Imwe nhengo yechikwata ichi, Master Chiroodza, uyo anozivikanwa mumutambo mumwe chete nezita rekuti Baba VaB, anotiwo vari kutarisira kuti chikwata chavo chichabudirira zvikuru.  “Mavhidhiyo aya takaaronga nemutowo unofadza chaizvo zvekuti tiri kutarisira rutsigiro rwakakura  kubva kuvateereri.  “Musambo wedu watakashandisa wesungura tinovimba kuti veruzhinji vachaufarira sezvo uriwo wagara uchiwana rutsigiro rwakati kurei. Tinovimba kuti chikwata chedu chichaitawo mbiri seyevaimbi vakaita samushakabvu Leonard Dembo kana kutodarika sezvo vari ivo vatiri kutevedza matsimba avo,” akadaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey