Uncategorized

Muroyi otongerwa ‘border jumping’

15 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
Muroyi otongerwa ‘border jumping’ Martha Sande anoti akashandisa rusero kupinda muZimbabwe.

Kwayedza

‘Ndakapinda muZim ndichibhururuka murusero’

Runesu Gwidi ari kuBIKITA
MUDARE redzimhosva rekuBikita, kuMasvingo, mune nyaya inoshamisa zvikuru – mukadzi wekuMalawi ari kutongerwa kupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo apo iye ari kuti akapinda muno achibhururuka nerusero kubva kumusha kwake ari pabasa rekuroya asi asina “passport”.

Martha Sande (32) – uyo anobva mubhuku raJimhu, kwaMambo Lucifer Jimhu kuNyasa, kuMalawi, svondo rapera akamiswa pamberi pemutongi Calisto Mutema wedare reBikita Magistrate Court akatarisana nemhosva yekupinda muZimbabwe zvisiri pamutemo.

Mukadzi uyu anoudza dare iri kuti haanyatsoziva kuti “chitundumuseremusere” chake cherusero chakamhara sei kuBikita apo aibhururuka akabatwa neshavi rehuroyi.

Mutongi Mutema anoti Sande avharirwe mutirongo achimirira kuenderera mberi nekutongwa kwenyaya yake.

Sande akasungwa kuBikita gore rapera mushure mekunge aonekwa asina magwaro anoratidza kuti akapinda muZimbabwe zviri pamutemo.

Mukadzi uyu ari kuudza dare iri kuti akapinda muZimbabwe achibhururuka nerusero.

Akashamisa vanhu vaive mudare apo akati haazive kuti akasvika kuBikita sei mushure mekunge abva kumba kwake kuMalawi ari parwendo rwekunoroya.

Rusero rwaanoti aishandisa kubhururuka rwakaburitswa mudare seumboo.

“Mambo wangu, ndakabva kunyika kwangu apo ndaive ndakatakurwa nemhepo ndiri murusero musi wa28 Nyamavhuvhu 2018 uye ndakapinda munyika muno ndisingazive. Ndakange ndakabatwa neshavi rehuroyi. Handizive kuti ndakapinda sei muZimbabwe,” anodaro.

Sande haana pasipoti kana rimwe gwaro rinoratidza kuti iye ndiye ani.

Anoti akaroorwa uye ane vana vaviri kumusha kwake.

Mushure mekunge asungwa, mapurisa nevashandi vanoona nezvekupinda nekubuda kwevanhu munyika muno uye nevebazi reDepartment of Social Welfare vakambomuendesa kuchipatara cheMashoko Mission Hospital akachengetedzwa nemapurisa vachida kuona kana asiri muwere wepfungwa.

Muongororo yakaitwa kuchipatara ichi, Sande akawanikwa aine pfungwa dzakati kwesere.

Pane kuferefetwa kuchiri kuitwa kuti zvionekwe kana Sande asiri mupoteri akatiza kunzvimbo inochengeterwa vapoteri yeTongogara Refugee Camp.

 

Share This:

Sponsored Links