Uncategorized

muroyi pu murusero

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
muroyi pu murusero Murume anonzi muroyi uyo akadonha muchadenga apo aive parendo nevamwe vake

Kwayedza

‘Ndapera simba tichibhururuka’

Nhlalwenhle Ncube ari kuMATOBO
MURUME wemubhuku raBhazha, kuMatobo – uyo anofungidzirwa kuti muroyi – anonzi akashaya simba rebasa rake apo aibhururuka muchadenga ari murusero zvikaita kuti adonhere pane mumwe musha weko, vamwe vake ndokumusiya.

Murume uyu – uyo ari kuti pakaitika izvi aive nechikwata chevamwe vake avo vaanoroya navo – anoti vaibhururuka vachienda kune imwe nzvimbo apo akangoerekana ave kunzwa kupera simba ndokubva adonhera pasi.

“Nguva dzange dzave pakati pehusiku apo imbwa dzatanga kuhukura zvikuru. Tazonzwa ruzha rwechinhu chadonha tikafunga kuti pamwe rimwe rematayi etarakita radonha.

“Mufudzi wemombe akenda panze kuti anoona zvaitika uye tazoshamiswa kunzwa munhu uyu achiridza mhere kuchema. Tatora tsvimbo ndokubuda panze tichishandiswa mwenje wetochi kuti tione apo tazoona murume uyu ari musvo asi agere pasi.

“Ange akazorwa zvinenge paudha chena kana kuti dota aine mavanga matema muviri wake wose,” anodaro mudzimai anova muridzi wepamusha wakadonhera murume uyu asi ndokuramba kuti zita rake riburitswe.

Anoti pakaitika izvi, vakazoshevedza vavakidzani vavo kuti vazoona mashura aya. Vakazobatidza moto apo chaunga chaivepo chakarara chichiona murume anonzi muroyi uyu kuitira kuti asawane mukana wekutiza.

“Apo tange takagara takatenderedza moto, murume uyu anga achingotarisa mudenga achiti shamwari dzake dzichauya kuzomununura, asi hadzina kuuya kusvikira kunze kwayedza,” anodaro mudzimai uyu.

Anoenderera mberi achiti, “Murume uyu anzvenga-nzvenga kuti asataure zvakawanda, angotaura pamusoro pekumusha kwake uye kuti vanga vari parwendo rwekunoita mhiko kuimwe nzvimbo.”

Muridzi wepamusha uyu anotizve zuva rakatevera, murume uyu akazoendeswa kukamba yemapurisa yekuMatobo.

Vagari vemunzvimbo iyi vachiri nekushamiswa kukuru nekuti havasati vamboona mashura akadai, ekuti muroyi anobatikidzwa ari pabasa – uye ari musvo.

Varoyi vanonzi vanowanzoshandisa zvakasiyana pakufamba izvo zvinosanganisira kubhururuka vari murusero, kutasva mapere kana dzimwe mhuka.

Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police kudunhu reMatabeleland South haana kukwanisa kubatika kuti apewo divi rake panyaya iyi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey