Murray akabuda muchikwata cheshasha

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views

Kwayedza

SHASHA yetennis, Andy Murray uyo ange ari mumwe wevanogona zvanyanya  gumi dzemutambo uyu pasi rose, haasisimo muchikwata ichi zvichitevera kutadza kuhwinha kwaakaita kumakwikwi eUS Open.  Murray ange ari muchikwata cheshasha idzi uye aka ndekekutanga achibuda kubva mugore ra2008 mushure mekurakashwa naMalin Cilic kumakwikwi eUS Open nguva pfupi yadarika.

Kuve kwake nhamba 11 pashasha dzemutambo wetennis pasi rose, kunoreva kuti akatarisana nemakwishu makuru ekuti awane mukana mumwe chete pamisere iripo wekukwikwidza apo mwaka uno wava kunopera kumakwikwi eWorld Tour finals achange achiitirwa kuLondon muna Mbudzi.

Murray ane zvibodzwa zvinokosha zvaanotarisirwa kuwana apo achange achitatsurana naTomas Berdych uyo anove pasi-pasi pachikero chevatambi vanokodzera kupinda mumakwikwi ekupedzisira emwaka aya. — BBC Sport.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>