Murray otatsurana naFederer

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Murray  otatsurana  naFederer

Kwayedza

SHAsha yemutambo wetennis, Andy Murray, achatatsurana naRoger Federer kumakwikwi eATP World Tour Finals ayo achaitirwa kuLondon nguva pfupi inotevera.

Murray (27) ange achihwinha zvinodakadza kanokwana katatu mavhiki matanhatu adarika zvinova zvakaita kuti apinde muchikwata chevatambi vasere vepamusoro pasi rose.

Chizvarwa chekuScotland, Murray achange akadzvokorana naFederer wekuSwitzerland apo Kei Nishikori wekuJapan achatatsurana naMilos Raonic anova chizvarwa chekuCanada.

Novak Djokovic, shasha yemandiriri pasi rose, Stan Wawrinka, Czech Tomas Berdych pamwe naMarin Cilic vari muchikwata chimwe chete chinova chekutanga cheA.

Murray achatamba musi weSvondo naNishikori apo achateverwa naFederer uyo achange achikwikwidzana naRaonic zuva rimwe chete iri.

Wawrinka naBerdych vachatamba musi weMuvhuro unotevera apo Djokovic achange achizotatsurana naCilic manheru emusi wakare.

Vatambi vaviri vachatamba zvinonwisa mvura muchikwata chega-chega ndivo vachakwanisa kuenderera mberi nemakwikwi aya apo vachasangana musemi-fainari.

Zvakadaro, zvibodzwa, huwandu hwemitambo ichahwinhiwa nemutambi ega-ega zvakare nhamba yemutambi pashasha dzepasi rose ndizvo zvichashandiswa mukusarudza shasha pakupera kwemakwikwi aya apo pachazotamba shangwiti dzoga-dzoga.

Murray anga achiedza kunzvenga Djokovic uyo akamudashura kumakwikwi eParis Masters svondo radarika.

Asi shasha yemakwikwi eWimbledon yegore rakapera ndiyo ichasangana naFederer uyo ari kurwira nyanga yenhamba hwani pasi rose iyo ange ainayo uye aka kanenge kava kechi7 ari pamusoro kana akahwinha.

“Zvainge zvakangoomera Murray kunyangwe dai akapinda muchikwata chipi sezvo Djokovic akaratidza kuti ndiye shasha yepasi rose zvingaite kuti Murray atye kutatsurana naye, Federer akamira-mira rwendo rwuno uye hazvishamise akadzokera panyanga zvakare.

“Nishikori ange achimira-mirawo zvakare, Raolin ane mukana wekukunda Murray zvakanyanya,” akadaro Russel Fuller mutori wenhau weBBC Sport News.

“Zvichange zvakaoma asi tichanakidzwa, ndinovimba ichange iri nguva yakanaka zvikuru.

“Ndaiona mitambo iyi pachivhitivhiti kwemakore akawanda uye zvichanakidza, kunyanya kana ndichiziva kuti vanhu vakaunganira chiitiko ichi uye ichange iri nguva yekufara chete,”

Shasha iri panhamba yechitatu pasi rose, Rafael Nadal, achatadza kupinda mumakwikwi aya sezvo akabva mukuvhiyiwa matumbu (appendix) musi weMuvhuro svondo rino. — BBC Sport News

Share This:

Sponsored Links