MuRugare muzere nhamo

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
MuRugare muzere nhamo

Kwayedza

Ndozvireva naMukwende Washe

VAKURU vanoti ziso harina muganhu. Nokuti dzimwe nguva rinosangana nezvinhu zvakafanira nezvisakafanira, zvinorwadza nezvinofadza, zvinosetsa kana kugumbura.Nokudaro dzimwe nguva ziso rinoparira.

Kwadarika masvondo matatu Mukwende achiti akafamba nomugwagwa wemuguta reHarare unonzi Kambauzuma Road, wave kuda kunobatana naLytton Road, mugwagwa unoganhura musha weRugare nemaindasitiri omuWorkington — wozvibvunza kuti ko rukisheni urwu rwakapirwei zita rokuti Rugare.

Mufananidzo unoperekedza chinyorwa chino ndezvimwe zvezvinhu zvaongororwa naMukwende, achisara nemubvunzo wokuti kana vanhu vachigara magariro akadai, saka musha uyu unonzi Rugare pakudii?

Kana uri mumugwagwa umu, wave kusvika pachiteshi panokwirirwa michovha, unoona madzimai ari mushishi kuwacha panzvimbo panoratidza kuti pane pombi yemvura yakadhuuka, mvura inoswera nokurara ichibuda.

Vanhu vanotobva kudzimba, voyambuka mugwagwa namadhishi azere nhumbi. Hazvidi unyanzvi kuti uzive kuti madzimai aya haapengi kuda kuwacha mawachirwo anoitwa kumaruwa vanhu vari kurwizi. Wega unoziva kuti zvichida kudzimba hakuna mvura, sezvo kanzuru yeguta reHarare iri kuremerwa pakuwanisa vagari veguta mvura.

Havangave vanhu vakavharirwa mvura vanowanda panzvimbo iyi. Zvazvinoreva ndezvokuti ndiyo nzvimbo yovotoponera.

Mvura isati yatanga kunaya, mangwanani waiona vanhu vakawanda.

Zvinozoshungurudza ndezvokuti mvura iyi yabuda zvakanyanya, yave kutoita tumadziva uyewo kuti izere tsvina.

Kunyange zvakadaro, unoona vana vachitambira mumvura yakadaro. Vamwe tatokunzwai muchiti, ko vana mai vacho vanodii kuvarambidza kutambira mumvura? Muromo kapako, hakazarirwi serwizi. Ivo vakakotama, mwana mumwe ari kumusana, vanozoiwana kupi nguva yokurambidza mumwe kutamba mumvura?

Panowachirwa panokurumidza kukokawo dzimwe tsvina, nhunzi nezvakadaro. Panzvimbo apa zvakare pane dutu remarara.

Hamheno kuti marara anoraswa navagari vomuRugare here kana kuti itsvinawo inoraswa namakambani ari pedyo. Waona muunganidzwa iwoyu unozviudza kuti kurarama inyasha dziri pamusoro pedzimwe nyasha, sokuimba kwakaita Pastor Chivaviro.

Hazvibvunzwi kuti apa patove pamusha wekutapurira zvirwere zvinokonzerwa netsvina.

Asi, wozviudzawo kuti ivava vagari vomusha unonzi Rugare vakavhotera mumiriri wedare reParamende, uyewo kuti vakavhotera makanzera. Saka kana raramo yavo yamira sezvizvi, achaona matambudziko avo nokuagadzirisa ndiani?

Kana iyo kanzuru yeHarare, zvinoda vanoripota here izvi, zviri zvinhu zviri mumaziso avanhu? Mari dzatinonzwa kuti dzinotambirwa nenguwani, dzinotadza kugadzirisa paipi yemvura iyi here?

Musha unonzi Rugare asi nhamo dzakaumoneredza.

Pamwe vakaisa zvichemo, pamwe havana, asi unoshaya kuziva kuti vagari vomuRugare vanodya sei nomweya wamasuweji unopoteredza nzvimbo yese. Vanogarira nhamo sorugare here?

Chati homu, chareva!

Share This:

Sponsored Links