Uncategorized

Murume mazizamu tugu . . .auraya nyoka yemuridzi

08 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Murume mazizamu tugu . . .auraya nyoka yemuridzi

Kwayedza


Kingstone Mapupu —

KANA vamwe vachitaura vanoti, “Hakuna baba vakadaro!”

Murume kumera mitumba yemazamu anodarika emunhukadzi?

Kuti zvanyanyodii?

Izvi ndizvo zvakaita kumurume anoshanda saforomani papurazi riri kuShamva, kuMashonaland Central Province uyo amera mitumba yemazamu mushure mekunge auraya mukweshwa wenyoka “yemuridzi” iyo yainge yamupindira mumba make iye arere husiku.

Achingopedza kuuraya nyoka iyi, mumwewo murume akabva auya kwaari achibongomora kuchema apo aiti ndiye muridzi wezinyoka rainge rauraiwa. Zvino murume wekuti ndiye muridzi wenyoka yakauraiwa iyi ava mushakabvu — akabva afa — avawo bambo vekumera mazamu havachaziva zvekuita, ari kungokura.

Zexy Ndelema (46), uyo anova foromani papurazi reChipunza padyo nenzvimbo yemabhizimisi inozivikanwa nekuti Kariba mumugwagwa unobatanidza Harare neShamva, anoti ashaya zano rekuita nemitumba yemazamu aya.

Anoti pane nyoka yakapinda mumba make husiku iye arere, paakaiona ndokuiuraya. Pakazouya murume aichema nekupopota achimuti akange aurairei chikara ichi.

Musi wapinda nyoka iyi mumba make, anodaro Ndelema, aive arere nemudzimai wake — Enifa Sango (37) — nguva dziri kuma9 dzehusiku apo akanzwa kushita ndokubva abatidza mwenje.

“Ndipo pakatangira ma1 acho!

“Imba yatakazotama mataiva umu yaiva nemarooms matatu, saka nyoka iyi yaiva mune imwe room apo ndakanovhura dhoo ndokuwana yakaita hata kuseri kwegonhi.

“Ndakashevedza gadhi aiva akachengeta kugaraji redu achibva auya nechidanda icho ndakashandisa kuuraisa nyoka iyi,” anodaro Ndelema.

Mushure mekuiuraya, Ndelema anoti akatora nyoka iyi ndokuisungirira pamuti apo akaisiya kwemazuva achiti vanhu vaione.

Ndelema anoti murume ainzi John Dhimizhu, uyo aimbova foromani papurazi iri, akazouya kumba kwake achichema achiti aida kuziva chikonzero “chaita kuti iwe uuraye nyoka yangu”.

“Dhimizhu, uyo aiva chizvarwa chekuMozambique, akauya pano achiti iyi inyoka yake uye anoitora semwana wake. Akati mumba mangu nyoka iyi yakange yauya kuzotsvaga chikafu, yainge yava nenzara.

“Murume uyu akati zvakare nyoka iyi haisi imwe chete, asi kuti dzakawanda uye dzinogara kumunda wake wemabanana. Akanditi musi uyu vadzimai vake vainge vanonoka kudzibikira chikafu izvo zvakakonzeresa kuti nyoka iyi izopinda mumba mangu,” anodaro Ndelema.

Anoti Dhimizhu ndiye aimbogara imba yakazopindwa nenyoka iyi.

Dhimizhu anonzi akagara imba iyi kuma1970, mushure ndokuzoburitswa basa rehuforomani apo purazi iri ratorwa kubva kumuchena airishandisa richigariswa vanhu patsva neHurumende.

“Ini ndakazopinda muimba iyi pakaburitswa Dhimizhu, ndikazobudamo nekuda kwedambudziko randava naro iri ndichizogara kuno kwandava kugara,” anodaro Ndelema.

Mazamu akamera murume uyu akakura zvakasiyana, rekuruboshwe ihombe kudarika rekurudyi – ose achiita seanoyamwiwa.

Ndelema anoti nyoka yaakauraya iyi akazonoikanda muchimbuzi, Dhimizhu achinzi akamuudza kuti anoda nyoka yake iri mhenyu.

“Mushure memazuva mashoma ndauraya nyoka iyi – muna 2015 imomo – mazamu angu akatanga kufutunuka, pakutanga achiita semapundu achirwadza kana kuti kuswinya . . . mazamu kuita kunge musikana. Akazoramba achikura kusvika izvozvi apo akambomira kukura, haarwadze kana kubuda mukaka.

“Chava kunyanya kundinetsa ndechekuti munhu akandiroya, iye Dhimizhu, akafa. Vadzimai vake vakadzokera kwavo kuMozambique uye vana vake vakapera kufa – haana hama yandinoziva kuti ndinochema kwairi,” anodaro.

“Inyaya iri pachena iyi, ndakaroyiwa nekuti kubva ndichikura handina kumbobvira ndakaona nyoka seyandakauraya. Yaisava neruvara rwaioneka uye yaisanduka rudzi ichimboita segrey, silver, yellow, purple kunyangwe payainge yafa.”

Ndelema anoti akangonzi naDhimizhu “uchazviona” uye akaedza kumukumbira ruregerero asi muridzi wenyoka iyi akaramba kumunzwira tsitsi.

“Ndakaenda kukiriniki yeChipfumbi ndikanonzi chivanhu ivo vachiti vainge vazvitadza. Ndava kutsvagawo rubatsiro – kuchivanhu kana kumaporofita.

“Pane mumwe akandipa jira dzvuku randinogara naro uye randinoshandisa kukwiza sauti pamazamu aya.”

Ndelema anoti kwaanofamba anoudzwa zvakawanda – pamwe pacho achinzi akagadzirwa nemudzimai waakarambana naye.

“Ndine mudzimai wandakarambana naye mugore ra2000 uyo ndakaita naye vana vatatu, zvinonzi nemaporofita ndiye akandigadzira asi iye anoramba nyaya iyi,” anodaro.

Ndelema anotiwo mamwe mashoko ari kuti akagadzirwa nevamwe vanhu vanodawo chigaro chehuforomani chaanacho.

“Nyaya inonetsawo papurazi pano pane zvakawanda zvinoitika zvehuroyi. Mwedzi wakapera imwe chembere yakabuda nyoka murokwe pazere vanhu apo paiva nen’anga yaichenura nzvimbo ino. Nyoka iyi yakadzvamutsa vanhu ikanokwira mumuti wemupuranga apo panonzi ndipo panotandarira varoyi. Vanhu vakatadza kuiruya ikasiiwa irimo,” anodaro Ndelema.

Mumwe murume wemukomboni iyi anonzi akabvisa mupuranga uyu makwati akatsiurwa nedzimwe chembere dzemo kuti asiyane nawo uchinzi unoera.

“Ndakauya muno muna 2000 ndichibva kuRaffingora ndokusvikotanga kushanda kupurazi rekwaSpring ndokuzouya pano, nekuziva kwangu basa ndinokwidziridzwa nguva nenguva.

‘‘Kumusha ndinobva kuKenzamba, kuAlaska Mine, kuChinhoyi. Chandinongodawo kubatsirwa nevanokwanisa,” anodaro.

Papurazi iri panonziwo pane mutambi wenhabvu akafa apo akadhumana nemubati wepagedhi mwedzi ichangodarika, izvo zvinonzi zvine chekuita nehuroyi.

Mashoko aya anotsinhirwa naVaMichael Mutizwa vemunzvimbo iyi.

“Nzvimbo ino inotyisa, tine chikwata chebhora chakabva kune rimwe purazi muno, mumwe mutambi wavo apo akanodhumana nagoalkeeper wedu achibva angofira ipapo. Vakatozobva kuno vakatakura chitunha kudzokera nacho kupurazi kwavo,” vanodaro.

Vanoda kubatsira Ndelema vanomubata panhamba dzinoti 0713 027 282.

Share This:

Sponsored Links