Murume nemudzimai vonetsana . . .‘unza ndiverenge zviri mufoni yako’

10 Aug, 2018 - 00:08 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
NYAYA yemameseji anonzi ari munhare yemumwe mudzimai — ayo aari kuramba kuti murume wake aone — yakamutsa bongozozo rakaita kuti vapedzisire vasvitsana kumatare edzimhosva.

Ellen Njihuro akamhan’arira Paradzai Muzondo kuHarare Civil Court achida gwaro redziviriro. Anoti murume wake anogara achimuzvindikita nekumubvutira foni yake achida kuverenga mameseji arimo.

“Murume wangu akandiroora asi hatina kuchata, nekudaro akaroorazve mumwe mudzimai, ndiko kwaave kugara asi anopota achiuya kumba kuzondishungurudza nevana.

“Anoti paanenge andifungawo, anouya otanga kundirova zvose nevana. Rimwe zuva akandidzipa pahuro achiti anoda kundiuraya,” anodaro Njihuro.

Anoti haana kumhan’ara kumapurisa zvekudzipwa kwake nekuti akatya kuti murume wake aizosungwa ozoshaya anomuriritira nevana.

“Ndakatya kumhan’ara nekuti ndaizofa nenzara nevana sezvo ari iye ari kubhadhara patiri kugara uye ari kutipa mari yezvekudya,” anodaro.

Njihuro anoti Muzondo ndiye akatora hembe dzake achibva aenda kunogara kumwe asi ava kudzoka achiputsa midziyo nefoni yake.

“Ndiye akatora hembe dzake akabva pamba achinogara nemukadzi wake asi ava kuuya achiputsa midziyo nefoni,” anodaro.

Muzondo anoti kunetsana kwese kwataurwa kwakatangira paakada kuona mameseji aiva mufoni yaNjihuro ayo akaramba nawo.

“Zvakatangira paaigara ari pafoni ndikamuti andipewo foni yako ndione zvaunenge uchiverenga. Akaramba tikatanga kunetsana zvekuti akasvika pakuikandira pasi asingade kuti ndione mameseji arimo.

“Handina kumudzipa, ndakamuisa pasi pehapwa yangu akatondiruma ruwoko,” anodaro Muzondo.

Anoti kubva zvaakatora hembe dzake, ari kudzokera achida kuona mukadzi wake asi ari kumushaya.

“Ndinopota ndichidzokera kumba kuti ndimuone nevana asi kazhinji ndinowana vana vari voga iye ozodzoka pakati pehusiku akadhakwa achiti ava kuita zvaanoda sezvo ndisisipo. Saka kuuya kuno kuda kuvanza zvaanenge achiita kuti ndisamubvunze,” anodaro Muzondo.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Njihuro gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey