Murume nemukadzi zvaburana

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Murume nemukadzi zvaburana

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Vanhu vaive mudare vakakahadzika apo murume nemudzimai wake vakamisidzana vachida kuti vose vapihwe magwaro edziviriro vachiti vari kushungurudzana. Pedzisai Chingwaru akamhan’arira murume wake, Moses Chingwaru, kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza asi Moses akazomumisawo mudare iri zvakare achidawo gwaro rinomudzivirira.

Pedzisai anoti murume wake anoita basa rekumurova nekumutuka izvo zvakaita kuti abve pamba asi anomutevera achimurova.

“Aisiita basa rekundirova nekundituka pamberi pevana zvekuti ndakanga ndava kushaya chimiro ndichibva ndabva pamba. Asi ari kunditevera achida kungondinyadzisa nekundirova sezvaaisiita kare,” anodaro Pedzisai.

Anoti iye ndiye akatanga kutsvaga gwaro redziviriro zvikaita kuti Moses aendewo kudare achidawo rake.

“Ndini ndakatanga kutsvaga gwaro rino uye iye paakazviziva akabva aisawo ake mapepa achiti asaririra uye anoda kundinyadzisa,” anodaro Pedzisai.

Achibvunzwa nedare chikonzero chaari kuda kuchengetedzwa, Moses anoti mudzimai wake haamubikire uye anorasa mbatya dzake panze.

“Haandiwachire, haandibikire uye anorasa hembe dzangu panze, ndizvo zviri kukonzera kutukana mumba medu uye ndosaka asiri kugara neni. Ndiri kuda kuti asauye kubasa kwangu achindikanganisa mashandiro,” anodaro Moses.

Anoenderera mberi achiti mudzimai wake anopopotawo zvakanyanya nekudaro anoda kuti dare rivagadzirise.

“Anopopota zvisingaite mukadzi iyeyu, kuti titaurirane tiri vaviri zvaramba ndokusaka ndauya kuno kuti muzotibatsirewo,” anodaro.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Moses nemudzimai wake magwaro edziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>