‘Murume wangu akaromba’

01 Feb, 2019 - 00:02 0 Views
‘Murume wangu  akaromba’

Kwayedza

Michael Magoronga
MUDZIMAI wekuKwekwe akashamisa vanhu vaive mudare reko apo akati murume wake — uyo waagara naye kwemakore 40 – ane zvidhoma zviri kukonzera kutambura kukuru mumhuri yavo.

Sostina Mushonga akataura mashoko aya mushure mekunge amhan’arirwa kudare iri nemurume wake, Godfrey Sibanda, achida gwaro redzviriro sezvo ari kuti amushaisa rugare nekumushungurudza.

Sibanda anoudza mutongi wedare iri Vimbai Mtukwa kuti akasiyana naMushonga makore matatu adarika, asi mukadzi uyu anoenda kubasa kwake kuchipatara cheSilobela Hospital achinomushungurudza nekumukanganisa rugare.

“Anouya kubasa kwangu achindituka achinditi ndichazviona. Ndinogarochema nekuda kwemashoko aanondiudza kana auya kubasa kwangu. “Handichada kumuona kubasa kwangu nekuti ndichiri kubhadhara rendi yekumba kwaanoroja nekutenga girosari kunyangwe zvazvo takasiyana,” anodaro Sibanda.

Mushonga anoudza dare kuti Sibanda ari kutsvaga nzira yekumuramba nayo nekuti haadi kurasa zvidhoma zvake izvo zviri kushungurudza mhuri yavo.

“Anoziva kuti zvinhu zvaanazvo zviri kukonzera kutambura kukuru neminyama mumhuri yedu. Vana vangu vose havashande uye marombe nekuda kwezvinhu zvaanazvo. Hapana chatakaita chinooneka kwemakore 40 adarika kubvira patakaroorana,” anodaro mukadzi uyu.

Mushonga anoenderera mberi achiti, “Ndazama kumuti aone kuti zvinhu izvi zviri kukanganisa upenyu hwevana asi ave kutoda kundiramba kuitira kuti aroore mumwe mukadzi. N’anga dzakamuudza kuti arase zvinhu izvi asi iye haadi. Ndiko kusaka ari kuda kuti ndisamushanyire nekuti ndinogara ndichimuudza chokwadi.”

Mutongi Vimbai Mtukwa akapa Sibanda gwaro redziviriro ndokumuti kana achida kurambana naMushonga, anofanira kutevedza mutemo asati aroora mumwe mukadzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>