‘Murume wangu akasotwa’

27 Apr, 2018 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
VAHOSI vekuda kushandisa dare kuti nyachide abve pamurume wavo vakashaya pekupinda zvichitevera kuraswa kwakaitwa chikumbiro chavo.

Felistas Simau akadhonzera Nomatter Ngwerume kuHarare Civil Court.

“Ishamwarikadzi yemurume wangu uye tinogara munharaunda imwe chete. Dambudziko riri pakuti ari kufamba achiudza vanhu kuti akagadzira murume wangu kuti ashaye rudo neni, saka akandiona ndiine murume wangu haarwadziwe nekuti ari kuziva zvaakamuita,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti Ngwerume anoshevedzera pakazara vanhu kuti ari kudya mari yake nemurume wake.

“Anoti kana ndava kuenda kubasa anoshevedzera pakazara vanhu kuti, ‘Shandai tidye mari’. Izvi zviri kundirwadza kuti mari yangu iri kuperera kumunhu wandisineyi naye,” anodaro Simau.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaSimau achiti haana kuburitsa pachena umboo huzere hunoratidza kushungurudzwa kwaanoti ari kuitwa naNgwerume.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>