Uncategorized

Murungu Oenda Kun’anga . . . ‘Ndinosvutiswa bute’

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Murungu Oenda Kun’anga . . . ‘Ndinosvutiswa bute’

Kwayedza

MURUNGU wepapurazi reKomani kuMazowe, chinhambwe chipfupi kubva muHarare, anoti anoenda mudzin’anga umo anonobatsirwa kana paine zvinenge zvamunetsa achitevedza tsika dzechivanhu pamwe nekuputiswa bute.

Liam Philp (37), anova muridzi weSelby Enterprise and African Preserves, akaudza Kwayedza kuti anoita zvechivanhu sekuenda kun’anga kunobatsirwa kana paine zvimunetsa.

“Ndave nemakore akati wandei ndichienda kun’anga kunobatsirwa nen’anga. Ndinotosvikawo (pan’anga) ndichibvisa shangu, ndogariswa parukukwe, ndoombera pamwe nekuputiswa bute.

“Ndakambopinda munguva yakaoma zvinhu ndikabatsirwa ndokuona zvinhu zvangu zvave kupinda mugwara,” akadaro Liam.

Nyaya iyi inotevera mashoko ari kutenderera munzvimbo iyi – ayo anoti Liam, pamwe chete nevamwe vashandi vake – vanooneswa moto nezvikwambo kana kuti zvidhoma papurazi apa.

Zvinonzi zvidhoma izvi zviri kufuma zvakavaveura vhudzi mumusoro nekunhengo dzakavandika nguva nenguva.

Pakasvika vatori venhau veKwayedza paSelby Enterprise nemusi weChipiri svondo rino, vakawana paina Tsikamutanda Morris “Sekuru Dhumba” Mbofana (30) uyo anoti inhengo yesangano ren’anga, reZinatha, achinzi aichenura komboni yepo.

Liam akatsinhira kuti n’anga iyi yainge yakokwa nevagari vepapurazi iri kuburikidza nemukuru pamwe nekomiti yevashandi vepo zvichitevera matambudziko avari kusangana nawo.

Asi Liam akaramba mashoko ari kutenderera anoti iye ari kuguswa vhudzi nezvikwambo, zvisinei kuti vamwe vashandi vake vanoti izvi zviri kuitika kwavari nekumuRungu uyu.

“Chandinoita kuenda kun’anga kana zvandinetsa. Kubvira panguva yekunetsa kwezvinhu ndaitsvaga rubatsiro mudzin’anga zvichiita. Vanhu vakangoona musoro wangu usisina vhudzi vakafunga kuti ndakagerwa nezvidhoma asi kwete, ndakazvigeresa ini, hahaha,” akadaro achiseka apo aibvisa nguwani mumusoro.

“Nyaya yekuti ndakagerwa mumusoro nekunhengo dzakavandika ndakainzwa, inotenderera muno. Ini ndakangoitambira zvangu ndikati semunhu wenyama zvinhu zvinowanikwa uye vanhu havarambidzwe kutaura zvavanoda. Pamwe inyaya yekuti ini ndinomboshandirwawo nen’anga kana vanaTsikamutanda pamatambudziko andinenge ndasangana nawo.

“Kutaura kudai, vashandi vemupurazi rangu muno vakatoshevedza n’anga iri kuvabatsira. Ndiyowo nguva imwe chete yabuda mashoko iwaya.”

Liam, uyo aimbotaura neShona muhurukuro ino, akaratidza musoro wake kuKwayedza.

“Hongu musoro wangu hauna vhudzi ndokusaka ndichigara ndakapfeka nguwani. Kutaura kwevanhu hakurambidzwe uye handina kugumbuka pandakazvinzwa kuti ndakafuma ndakaguswa, ndakangoseka nekuti kana vashandi vangu vaingotaurawo kudaro.”

Liam anoti Tsikamutanda Dhumba ave nesvondo adeedzwa papurazi iri mushure mekunge vagari vepo vamuudza kuti havachina rugare nevaroyi.

Anoti kunyika dzinogara vaRungu sedziri kuEurope, vashoma vanotenda zvechivanhu asi iye pachake anovimba mazviri zvakanyanya.

“Pandinoenda kunobatsirwa ndinototsvagirwa muturikiri kana masvikiro achinge atangisa basa rawo. Vamwe vanondibatsira ndevanofamba munharaunda, vanaTsikamutanda,” akadaro.

Tsikamutanda Dhumba anoti ane tarisiro yekuzobatsira muRungu uyu kana achida.

“Ndave nesvondo ndiri pamusasa wangu muno mushure mekunge ndashevedzwa nevagari vemuno vachiti vane matambudziko akaita sekusaroorwa, kuitwa ‘gondwawamuturika’ kana kuti kushandisirwa mubobobo, kufuma vakaguswa kunhengo dzakavandika, kuitwa vakadzi kana varume vezvikwambo, kusvetwa ropa nezvikwambo, kushandiswa mukurima husiku nezvimwe zvakawanda.

“Vanhu vandakabatsira ndivo voga vanokwanisa kupupura kwamuri kuti zvakavafambira here kana kuti kwete uye vamwe vari kuuya vachitenda nembudzi kana zvishoma zvavainazvo,” akadaro Dhumba, uyo gore rapera akambobuda muKwayedza achinzi aiita zvehutsikamutanda kuMount Humpden.

Anoti zvekunzi Liam akagerwa nezvidhoma akazvinzwawo.

“Ndakanzwa kuti Liam akagerwa. Pandakabvunza vadzimu ndakaona huri hushereketwa huri kuitwa nevashandi vake vari kuda kuti vadiwe kana kukwidziridzwa pabasa. Vavengi vakatora vhudzi remuRungu, vakamugera usiku ndokurisanganisa nemishonga mushure mekunge varipisa.

“Mumabasa umu mune makwikwi. Unoona mumwe munhu ane magwaro akakwana achishaya basa asi asina ainaro, mishonga iyoyo,” yakadaro n’anga iyi.

Anoti kana Liam akabvuma kubatsirwa, vhudzi rake richamera zvakanaka.

Kwayedza haina kukwanisa kukurukura namanija wepurazi iri, VaChimushamhu, sezvo vakawanikwa vasipo.

Zvakadaro, Mai Janet Chibanga (52) vanogara mukomboni yeapa vanoti vanongofuma vakagerwa vhudzi rekusikarudzi yavo.

“Ini handichatengi reza yekuzviveura nekuti murume wangu wakasofa kare-kare. Asi chaindishamisa ndechekuti kana vhudzi rangu rikangomera rinofuma rakagerwa rose. Sekuru Dhumba ava pavakauya vakandibatsira zvikuru, izvozvi vhudzi rangu ndinaro. Ndinotoshuvira kuti kudai vabatsirawo muRungu wedu, takanzwa kuti ari kusangana netsaona imwe chete iyi,” vakadaro Mai Chibanga.

VaEdmore Labison (32), vanove mumiririri wevashandi papurazi iri, vanoti vakashevedza Tsikamutanda Dhumba mushure mekunge vanhu vakange vaoneswa pfumvu nevaroyi.

“Vashandi vakange vave kurovha kubasa kasingaperi nekuda kwevaroyi, mumwe aingomuka akazvimba makumbo, pamuviri paibva zvisina tsarukano, kurwisana pamabasa. Vamwe vaitoshandisa mishonga yekuburitsa mweya kana vachinge vapinda muhofisi memuRungu kuitira kuti vanenge vangofema mweya uyu vavengwe naLiam iye obva akwiridzirwa pabasa,” vakadaro.

VaFino Makwekweta (32) vanoti vakamboita mazuva mana vasingaende kubasa mushure mekunge vatsika hari dzine mishonga dzainge dzakapwanyirwa pamugwagwa.

“Kana tichibva muno mukomboni tinoshandisa nzira imwe chete kuenda kubasa saka mumwe musi takawana munzira muine mishonga netwumachira twutsvuku zvaive muhari yaive yakapunzwa. Kungotsika kwandakangoita gumbo rangu rakabva razvimba ndikaita mazuva mana ndisingaendi kubasa.”

Dhumba anoti akabvisa garwe nekamba zvaive pane imwe imba pakomboni apa.

Kwayedza haina kuwana mifananidzo yezvinhu zvakabviswa mudzimba dzevanhu izvi sezvo yakawana zvichinzi zvaive zvapiswa. Chayakaona bedzi imbudzi nemazai zvaibviswa nevanhu.

Vamwe vasikana vaviri avo vaiti vaive nematambudziko ekusaroorwa – Rutendo Lisa (19) naMemory Elliot (18) – vanoti vakabatsirwa naTsikamutanda uyu. VaRock Tembo (47) vanoti vaigaroyamwiwa nhengo yavo yesikarudzi nezvinhu zvavasingaoni.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey