Musabatirire makochi: JP

13 Dec, 2014 - 15:12 0 Views
Musabatirire makochi: JP

Kwayedza

john phiri

John Phiri

Abel Ndooka      
MUTAMBI akambonetsa munhabvu achitambira Rio Tinto pamwe nemaWarriors, John ‘JP’ Phiri, anoti zvakakosha chaizvo kuti vakuru vezvikwata zviri zvemuPremier Soccer League vape varairidzi vavo mukana wekuita basa vakasununguka kwete kuvabata nekuseri kwemawoko.

Phiri, uyo pari zvino ave kushanda kusangano rinoona nezvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association achiona nezvetechnical development, anoti zvikwata zvenhabvu zvinofanirwa kukoshesa pamwe nekupa ruremekedzo kuvarairidzi.

Anoti kubatwa nekuseri kweruwoko kunoitwa varairidzi vemuno pamwe nekudzingwa-dzingwa mabasa kunodzorera mutambo uyu kumashure.

Mwaka wenhabvu wadarika, varairidzi vasere vanoti Kelvin Kaindu (Highlanders), Aurther Tutani (Black Rhinos), Philani Ncube (How Mine), John Phiri (Shabanie Mine), Bigboy Mawiwi (Harare City), Moses ‘Bambo’ Chunga (Chiredzi FC), Lloyd Mutasa (FC Platinum) uye naLuke Masomere (Buffaloes) vose vakadzingwa basa ligi iri richiri pakati.

“Varairidzi vedu havana simba rakanyanya kuzvikwata zvavanorairidza izvo zvinouraya nhabvu.

“Murairidzi anofanirwa kunge ane simba rekuita basa rake akasununguka uye pamwe nekutenga vatambi vaanoda manje zvikwata zvemuno zvinenge zvine vanhu vakawanda vanenge vachida kutonga ipapo.

“Pakupedzisira murairidzi anenge asisina simba sezvo anenge ave kushungurudzwa, basa rake haazorishande akasununguka. Ini ndinovakurudzira kuti vagare pasi sevarairidzi vaumbe boka rakasimba  rinomirira zvichemo zvavo kana pane anenge abatwa nenzira isiriyo kana kudzingwa basa zvisiri pamutemo.

“Izvowo zvekungochinja varairidzi dzimwe dzenguva zvinokuvadza nhabvu yemuno kana chikwata sezvo vatambi vanopedzisira vasisazive gwara rekutevera.” akadaro Phiri.

Zvakadaro, Phiri akazvarwa mugore ra1962 kuKadoma akakurira kuRio Tinto achidzidza paCam and Motor Mine apo paakabikwa tarenda rake.

Panguva iyo Phiri aitambira Rio Tinto, paive neligi rainzi Chamber of Mines League raikotsverwa neRio Tinto Mine.

Ligi iri raive nezvikwata zvekumigodhi inoti Rio Tinto, Empress Mine, Perseverance Mine, Patchway, Renco Mine neTinto Industry.

Rio Tinto yaitora vatambi vayo kubva muzvikwata zvaikwikwidza muligi iri ichivaendesa muchikwata chayo chaive muPSL.

“Rio Tinto yaiumba tarenda revatambi vayo, yaitokoshesa hupenyu hwedu. Ini ndakaendeswa kuchikoro neRio Tinto kuburikidza nekutamba nhabvu, pekugara chaipo vaitoita shungu yekupada kupaziva uye nechikafu chandaidya kana ndisina vaitomhanya-mhanya kuti vazvigadzirise.

“Ndizvo zvinodiwa kuti zvikwata zvenhabvu zvikoshese hupenyu hwevatambi. Rio Tinto yaikotsvera ligi reChamber of Mines iro yaishandisa kuongorora vatambi vayo vayaida.

“Ini ndakaonekwa naJohn Rugg kuCam and Motors FC ndiye akandiunza kuRio Tinto uye akashanda chaizvo kuvaka tarenda rangu,” akadaro Phiri.

KuRio Phiri akakwanisa kutambira chikwata ichi ari Grade 7 muchikwata chaive nevatambi vakaita saJoseph Zulu, Ephrait Lunga, Gibson Sibanda, David Mwanza, Victor Mapanda, Robert Godoka naRaphael Phiri.

Phiri akatambira Rio Tinto kubva 1979-1982 ndokuzobva achienda kuState House Tornadoes uko akatambira kwemwaka mumwe chete.

Akazobva kuchikwata ichi ave kunanga  kuDarren T paakatengwa naWieslaw Grabowski akachovha makore akawanda kubva 1984 kusvika 1993.

Kubva kwaakaita kuDarren T, akamboenda kuPoland uko akatambira Miliader pamwe nePoznan kwemakore maviri, 1993-94.

Mugore ra1995, Phiri akabva kuPoland ndokuenda kuSouth Africa achinotambira Real Rovers FC pamwe neCape Town Spurs kusvika azosendeka shangu dzake dzenhabvu muna 1997.

Phiri akambopinda mune zvemabhizimisi ndokuzosiya sezvo anoti zvakange zvisina pundutso.

Muchinda uyu mumwe wevatambi vakakwanisa kutambira maWarriors kanokwana ka107. Aive muchikwata chakahwina mukombe weCecafa mugore ra1985 uye cheDream Team chaReinhard Fabisch icho chakapotsa nepadiki chaenda kumutambo weWorld Cup..

Zvakadaro, Phiri anoti zvakakosha kuti zvikwata zvisimudzire nhabvu yevechidiki sezvo varivo vatambi vemangwana.

“Ini ndinoda zvikuru kuti paonekwe pachivakwa nhabvu yevechidiki. Vechidiki ndivo ramangwana redu saka zvakakosha chaizvo kuumba matarenda avo,” akadaro.

Parizvino Phiri ari kugara kuBudiriro, muHarare nemudzimai wake Alice pamwe nevana vake vakomana vaviri. Dangwe rake musikana uyo akaroorwa.

Anoti hupenyu hwake hwaari kurarama iye zvino hunobva munhabvu.

Anotiwo zvakakosha chaizvo kuti vatambi vakamboita mukurumbira vabatane nemasangano enhabvu akaita seZifa mukupangana mazano ekusimudzira mutambo uyu.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey