‘Musabirire makore evatambi’

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

NHENGO yesangano rinoona nezvenhabvu munyika reZifa, John Phiri, akakurudzira zvikoro pamwe nezvikwata zvenhabvu kuti zvisiyane netsika yekubiridzira makore evatambi sezvo maitiro akadai aya achikanganisa matarenda avo.

Zvikwata zvakasiyana pamwe nezvikoro zvizhinji zvine tsika yekunyepera makore evamwe vatambi nechinangwa chekuti vagokwikwidza mumapoka asingaenderane nezera ravo.

Achitaura svondo rino muHarare apo paiparurwa mutambo weHarare City Council Schools Soccer Tournament Under-14, Phiri akati zvakakosha chaizvo kuti vatambi vemuboka iri vapihwe mukana wavo wakakwana wekutamba nhabvu.

Anoti tsika yekutambisa vatambi vakuru muboka risiriro yakurumbira zvikuru sezvo zvikwata zvizhinji zviri kuita tsika iyi.

“Ngatisaiyanei netsika yekudzoreredza makore evatambi kuti vatambe muboka risiriro nekuda kwekuti munenge muchida kuhwina.

“Hapana zvazvinobatsira sezvo munenge muchiuraya nhabvu yevatambi vechidiki vari kukura.

“Zvekudzoredza makore zvichazongokubatai mune ramangwana renyu uye hapana kwamunombosvika nazvo.

“Kana mukadzora makore mabva matouraya nhabvu pamwe nemutambi wacho. Ngatisiyanei netsika iyi,” akadaro Phiri.

Zvakadaro, Phiri akakurudzira vakotsveri vakasiyana kuti vatsigirewo nhabvu yevasikana sezvavanoita mutambo wevakomana.

“Zvamaita izvi zvinodadisa zvikuru uye tinozvikudza, asi chatinokukurudzirai kuti mudirewo mari musimudzire mutambo wevasikana sezvamunoita wevakomana.

“Mwanasikana akangofanana nemwanakomana saka vapeiwo mukana wakafanana. Pamunoronga mimwe mitambo yenyu isai kamwe kamari kashoma parutivi ako munozoshandisa kurongawo mutambo wenhabvu wevasikana.

“Fifa parizvino iri mushishi nezvirongwa zvakasiyana zvekusimudzira nhabvu yemadzimai saka tinodawo kusimudzira nhabvu yevanhukadzi muno,” akadaro Phiri.

Vachitaura pachiitiko chimwe chete ichi, Mayor veguta reHarare, VaBenard Manyenyeni, avo vanove Patron weHarare City Football Club vakati vari kuumba chikwata chevatambi vechidiki avo vachazenge vachitumira kuNottingham kuEngland pamwe nekune dzimwe nyika kunotamba mitambo yehushamwari nezvikwata zveko.

Mutambo weHarare City Council Under 14 Primary Schools Soccer Tournament uchaona zvikoro zvekanzuru yeHarare izvo zvinove 32 zvichitatsurana.

“Isu sekanzuru tichashanda nesimba kuti tibatsire kusimudzira nhabvu yevechidiki sezvo varivo vatambi venyika yedu vamangwana.

“SeHarare City tine zvikoro zvinosvika 32 zvedu izvo tine mukana wekutsvaga vatambi vane tarenda iro tinozobika kusvika vave kutamba nhabvu inodakadza seyakatambwa nanaGeorge Shaya, Peter Ndlovu naMoses Chunga,” vakadaro.

Mayor Manyenyeni vanoti gore negore kana mutambo uyu wapera panoumbwa chikwata chevatambi vanenge vadadisa avo vanozotumirwa kuNottingham, kuEngland kunotamba nechikwata cheko.

“Ticharonga kuti gore rega-rega kana mutambo uyu watambwa pazoumbwa chikwata chine vatambi vanenge vadadisa tovatumira kuNottingham kuEngland kuti vanotamba nezvikwata zveko pamwe nezvimwe,” vakadaro.

Zvakadaro, zvikwata zviri muZone 1 neZone 2 ndizvo zvichasangana mumutambo uchatambwa musi weMugovera neSvondo.

Zvikoro zvemuZone3 ne4 zvichazotambawo svondo rinotevera.

Mitambo yeZone 1 ichatambirwa paBudiriro 1 Primary School yeZone 2 paWarren Park Stadium.

Mitambo: Zone 1

Budiriro 1 vs Glen Norah Infill

Glen Norah 7 vs Budiriro 4

Glen View 7 vs Budiriro 2

Budiriro 5 vs Budiriro 3

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>