Uncategorized

Musakare mari zvakadaro

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SVONDO rapera Hurumende yakavandudza mutemo unotendera makambani nevamwewo vanhu vane mari yekunze kuti vakwanise kutenga zvinhu zvinoshandiswa neveruzhinji mazuva ose kunze kwenyika. Mutemo weStatutory Instrument (SI) 122 of 2017 wakavandudzwa zvichitevera kukwira kwakanyanya kwemitengo yezvinhu muzvitoro.

Izvi zvichaona vemakambani nevanhu vakazvimirira vachikwanisa kutenga zvinhu zvinosanganisira mafuta ekubikisa, shuga, furawa, majarini, mupunga nezvimwe kubva kunze kwenyika.

Zvimwe zvinokwanisa kutengwa kunze kwenyika ndezvinoti simende, marata ekuturikisa dzimba nemabhara.

Veruzhinji vakatambira nepakasiyana danho rakatorwa neHurumende iri apo vamwe vari kuritsigira vachiti zvichaita kuti zvinhu zvange zvichishaikwa muzvitoro zviwanikwe.

Asi kune vamwe vemaindasitiri vane pfungwa dzekuti danho iri rinogona kudzosera budiriro yavo shure sezvo pazvinhu zvavanogadzira vanenge vave kukwikwidzana pamitengo nezvinobva kunze kwenyika. Semaonero edu, kukwikwidzana kwemitengo yezvinhu kwakatonaka chose nekuti kunoita kuti mitengo isanyanye kukwira sezviri kuitika mazuva ano. Kana pakave nekukwikwidzana kwemitengo vatengi vanokwanisa kusarudza kwavanoda kutenga.

Kukwira kuri kuita mitengo yezvinhu kwaomesera veruzhinji sezvo vasisakwanise kutenga zvinhu zvavanoshandisa mazuva ose seshuga nemafuta ekubisa. Vezvitoro vari kungokwidza mitengo yezvinhu zuva nezuva zvekuti munhu unopedzira wazvishairwa shumo yazvo.

Zvimwe zvezvinhu izvi hazvichatowanikwa muzvitoro asi pamusika wemukoto zviripo nemitengo yakakwira zvikuru.

Semuenzaniso, mutengo wemarita maviri emafuta ekubikisa wava pakati pe$4 kusvika $18 kunzvimbo dzakasiyana.

Izvi zvinotaridza pachena kuti pane vamwe vanhu vave kukara mari zvakadarikidza nekuti mutengo wechinhu chimwe chete haungasiyane zvakadaro. Tinorumbidzwa zvakare danho rakatorwa neHurumende rekumbomisa kukwira kwemutengo wechingwa kubva pa$1.10 kuenda pa$2.20. Izvi zvinotevera kuziviswa kwakange kwaitwa nevemakambani anobika chingwa kuti anoda kukwidza mutengo wechingwa achipa chikonzero chekuti mutengo wegorosi nezvimwe zvavanoshandisa pakubika chingwa zvakwirawo.

Chingwa chakakosha zvikuru kumhuri dzakawanda munyika muno nekuti ndicho chinowanzodyiwa munguva dzemangwanani.

Matanho ari kutorwa neHurumende aya anotaridza kuti ine zvido zvevanhu munyika. Kana mitengo yezvinhu ikaramba ichikwira asi vashandi vasingawedzerwe mari yavanohora pakushanda kwavanoita, zvinoreva kuti vanopedzisira votadza kutenga zvinhu izvi.

Nekudaro Hurumende inofanira kurumbidzwa zvikuru nematanho akasiyana airi kutora mukugadzirisa matambudziko ari kusangana neveruzhinji munyika.

Veruzhinji pamwe nevezvitoro vanofanirawo kusiyana nenyaya dzehuwori nekuti ndizvo zvimwe zviri kuita kuti mitengo yezvinhu ikwire zvisina tsarukano.

Kune vamwe vane katsika kekungohodha zvinhu uyewo nevamwe vezvitoro vanonzi vari kuendesa zvinhu pamusika wemukoto.

Imi vezvitoro musakare mari zvakadaro!ano anosara oga.

Share This:

Sponsored Links